Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 7:33-53

Johane 7:33-53 SUB1949

Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ndiciri nemi ŋguʋa ɗuku, ndigoenda kunowakandituma. Mucanditȿaka, asi hamuŋgandiwani; ʋuye apo pandiri, imi hamuŋgaȿiki’po. Ɀino ʋaJuda ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu unoɗa kuendepiko, kwatisiŋgazomuwani? Ko unoɗa kuenda kunaʋakapararira pakati paʋaGiriki, kuti andodzidzisa ʋaGiriki here? Rinoti kuɗiniko shoko iri raareʋa, rokuti: Mucanditȿaka, asi hamuŋgandiwani, ʋuye, apo pandiri, imi hamuŋgaȿiki’po? Ɀino nezuʋa rokupedzisira, zuʋa guru romutambo, Jesu wakamira, akaɗanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ŋgaaʋuye kwandiri, anwe. Unotenda kwandiri, seɀaɀakarebga noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzicayerera dzicibva mukati make. Asi iɀi wakareʋa ɀoMŋeya, waizopiwa aʋo ʋaitenda kwaari, nokuti Mŋeya wakaŋga usati waʋa’po, nokuti Jesu wakaŋga asati akudzwa. Ɀino ʋamŋe pakati paʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacinzwa mashoko awa, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita. Ʋamŋe ʋakati: Uyu ndiye Kristu. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko Kristu uŋgabva Garirea here? Rugwaro haruna‐kureʋa here, kuti Kristu ucabva kurudzi rwaDavidi, napamusha weBetrehema, paiʋa naDavidi? Naiɀoɀo kupesana kwakamuka pamsoro pake pakati paʋazhinji. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciɗa kumuɓata; asi kwakaŋga kusina‐wakaisa maʋoko kwaari. Ɀino ʋatariri ʋakaʋuya kuʋaprista ʋakuru nokuʋaFarise, iʋo ʋakati kwaʋari: Makaregereiko kuʋuya naye? Ʋatariri ʋakapindura, ʋakati: Hakunomunhu wakatoŋgotaura nokutaura kwomunhu uyo. Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakaʋapindura, ʋakati: Nemi ʋo matsauswa kanhi? Kuʋakuru nokuʋaFarise kunomumŋe wakatoŋgotenda kwaari here? Asi ʋanhu aʋa ʋazhinji, ʋasiŋgaziʋi murairo, ʋakatukwa. Nikodimo, (uya wakamboʋuya kwaari, waiʋa mumŋe waʋo), akati kwaʋari: Murairo weɗu unotoŋga munhu, usati wambomunzwa, nokuziʋa caanoita here? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ko newe ʋo uri weGarirea here? Nɀera, uʋone kuti hakunomuprofita, unobva Garirea. [Ipapo mumŋe nomumŋe wakaenda kumba kwake.

Verenga chikamu Johane 7