Shure kwaizvozvo Jesu akafamba muGariria; nokuti akanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuuraya. Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedyo. Naizvozvo vanun'una vake vakati kwaari, “Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa ako aunoita. Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.” Nokuti navanun'una vake vakanga vasingatendi kwaari.
Ipapo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
“Nyika haingakuvengi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa. Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.” Akati areva izvozvo kwavari, akagara Gariria.
Zvino vanun'una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda. Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati, “Aripiko iye?”
Kugun'un'una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti, “Akanaka;” vamwe vachiti, “Kwete, anotsausa vanhu vazhinji.” Kunyange zvakadaro kwakanga kusina munhu aitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha.
Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutemberi, akatanga kudzidzisa. Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu anoziva seiko mabhuku, zvaasina kumbodzidza?”
Jesu akapindura, akati, “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu, asi ndokwoakandituma. Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.
“Anozvitaurira, anotsvaka kukudzwa kwake; asi anotsvaka kukudzwa kwoakamutuma, ndiye wechokwadi, hapana kusarurama maari. Mosesi haana kukupai murayiro here? Asi hakuna mumwe wenyu anoita murayiro. Munotsvakireiko kundiuraya?”
Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti, “Uno mweya wakaipa iwe; ndianiko anotsvaka kukuuraya?”
Jesu akapindura, akati kwavari, “Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose. Nemhaka iyi Mosesi akakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu neSabata.
“Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murayiro waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here? Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.”