Johani 7:1-24
Johani 7:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya. Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo, vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita. Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.” Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka. Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa. Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.” Akati areva izvi, akagara muGarirea. Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande. Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?” Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.” Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha. Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?” Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari. Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?” Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?” Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo. Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata. Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata? Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
Johani 7:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Jesu akafamba muGariria; nokuti akanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuuraya. Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedyo. Naizvozvo vanun'una vake vakati kwaari, “Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa ako aunoita. Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.” Nokuti navanun'una vake vakanga vasingatendi kwaari. Ipapo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa. “Nyika haingakuvengi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa. Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.” Akati areva izvozvo kwavari, akagara Gariria. Zvino vanun'una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda. Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati, “Aripiko iye?” Kugun'un'una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti, “Akanaka;” vamwe vachiti, “Kwete, anotsausa vanhu vazhinji.” Kunyange zvakadaro kwakanga kusina munhu aitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha. Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutemberi, akatanga kudzidzisa. Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu anoziva seiko mabhuku, zvaasina kumbodzidza?” Jesu akapindura, akati, “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu, asi ndokwoakandituma. Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene. “Anozvitaurira, anotsvaka kukudzwa kwake; asi anotsvaka kukudzwa kwoakamutuma, ndiye wechokwadi, hapana kusarurama maari. Mosesi haana kukupai murayiro here? Asi hakuna mumwe wenyu anoita murayiro. Munotsvakireiko kundiuraya?” Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti, “Uno mweya wakaipa iwe; ndianiko anotsvaka kukuuraya?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose. Nemhaka iyi Mosesi akakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu neSabata. “Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murayiro waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here? Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.”
Johani 7:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi, Jesu aingotenderera ari muGarirea asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaida kumuuraya. Izvozvo, mazuva makuru avaJudha amatumba akanga ava pedyo. Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita. Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika. Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.” Jesu akavati, “Nguva yangu haisati yasvika asi kwamuri chero nguva inguva kwayo. Imi nyika haikuvengei asi ini inondivenga nokuti ndinoidurira kuti zvainoita zvakaipa. Imimi endai zvenyu kumazuva makuru iwayo ini handisati ndoenda kumazuva makuru iwaya nokuti nguva yangu haisati yanyatsokwana.” Akataura izvi ndokubva asara zvake kuGarirea. Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu. VaJudha vakanga vachimutsvaka pamazuva makuru iwayo vachiti, “Ko ari kupiko?” Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.” Asi pamusana pokutya vaJudha hapana aitaura pachena nezvake. Pava pakati pamazuva makuru iwayo Jesu akaenda muTemberi akatangisa kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa nazvo vachiti, “Ko munhu uyu akawanepiko ruzivo rwaanarwo iye asina kudzidza?” Jesu akapindura achiti, “Zvandinokudzidzisai hazvisi zvomusoro wangu asi zvinobva kunaiye akandituma. Kana munhu ane chido chokuita zvinoda Mwari anobva aziva kuti rudzidziso urwu runobva kuna Mwari here, kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu. Kana munhu achitaura zvomusoro wake anotsvaka mbiri yake asi munhu anotsvaka mbiri youyo anenge amutuma ari pachokwadi uye maari hamuna unyengedzi. Mosesi akakupai Mutemo handiti? Asi hapana kana mumwe anochengeta mutemo iwoyo. Munoda kundiurairei?” Vanhu vakamupindura vachiti, “Une mweya wakaipa iwe! Ndiani arikuda kukuuraya?” Jesu akavapindurawo achiti, “Ndakangoita chiitiko chimwechete mose mukabva mashamiswa. Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata. Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata? Musatonge chinhu nezvamunoona kunze kwacho tongai nemwero kwawo wokutonga.”
Johani 7:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakaŋga asiŋgaɗi kufamba muJudea, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋaciɗa kumuʋuraya. Ɀino mutambo waʋaJuda wamatumba wakaŋga uri pedyo. Naiɀoɀo ʋanuŋuna ʋake ʋakati kwaari: Ibva pano, uende Judea, kuti ʋadzidzi ʋako ʋaʋone ʋo maɓasa ako aunoita. Nokuti hakunomunhu unoita cinhu cinyararire, kana iye amene aciɗa kuzikanwa; kana iwe uciita iɀi, uɀiratidze kunyika. Nokuti naʋanuŋuna ʋake ʋakaŋga ʋasiŋgatendi kwaari. Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika; asi ŋguʋa yenyu inogara yakagadzirwa. Nyika haiŋgakuʋeŋgiyi imi; asi inondiʋeŋga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti maɓasa ayo akaipa. Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika kwaɀo. Wakati areʋa iɀoɀo kwaʋari, akagara Garirea. Ɀino ʋanuŋuna ʋake ʋakati ʋakwira kumutambo, iye akabva okwira ʋo, asiŋgaendi pacena, asi paneŋge sapakaʋanda. Ɀino ʋaJuda ʋakamutȿaka pamutambo, ʋakati: Uripiko iye? Kuŋuŋuna kukuru kukaʋa’po pakati paʋazhinji pamsoro pake, ʋamŋe ʋaciti: Wakanaka; ʋamŋe ʋaciti: Kwete, unotsausa ʋanhu ʋazhinji. Kunyaŋge ɀakaɗaro kwakaŋga kusinomunhu waitaura pacena pamsoro pake, nokuti ʋakatya ʋaJuda. Ɀino kwakati paʋa pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akataŋga kudzidzisa. Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu unoziʋa seiko manyoro, ɀaasina‐kumbodzidza? Jesu akapindura, akati: Kudzidzisa kwaŋgu hakuzi kwaŋgu, asi ndokwowakandituma. Kana munhu aciɗa kuita kuɗa kwake, ucaziʋa kana kudzidzisa uku kucibva kunaMŋari, kana ndiciɀitaurira ndimene. Unoɀitaurira, unotȿaka kukudzwa kwake; asi unotȿaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye waɀokwaɗi, hapanakusarurama maari. Mosesi haana‐kukupai murairo here? Asi hakunomumŋe wenyu unoita murairo. Munotȿakireiko kundiʋuraya? Ʋanhu ʋazhinji ʋakapindura, ʋaciti: Unomŋeya wakaipa iwe; ndianiko unotȿaka kukuʋuraya? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ndakaita ɓasa rimŋe, mukashamiswa mose. Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dziŋgiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadziɓaɓa); ɀino imi munodziŋgisa munhu nesaɓata. Ɀino kana munhu aŋgadziŋgiswa nesaɓata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamŋira nokuti ndakaporesa munhu wose nesaɓata here? Musatoŋga neɀinoʋonekwa, asi toŋgai nokutoŋga kwakarurama.
Johani 7:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)