Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 7:1-24

Johane 7:1-24 SUB1949

Shure kwaiɀoɀo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakaŋga asiŋgaɗi kufamba muJudea, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋaciɗa kumuʋuraya. Ɀino mutambo waʋaJuda wamatumba wakaŋga uri pedyo. Naiɀoɀo ʋanuŋuna ʋake ʋakati kwaari: Ibva pano, uende Judea, kuti ʋadzidzi ʋako ʋaʋone ʋo maɓasa ako aunoita. Nokuti hakunomunhu unoita cinhu cinyararire, kana iye amene aciɗa kuzikanwa; kana iwe uciita iɀi, uɀiratidze kunyika. Nokuti naʋanuŋuna ʋake ʋakaŋga ʋasiŋgatendi kwaari. Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika; asi ŋguʋa yenyu inogara yakagadzirwa. Nyika haiŋgakuʋeŋgiyi imi; asi inondiʋeŋga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti maɓasa ayo akaipa. Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti ŋguʋa yaŋgu icigere kuȿika kwaɀo. Wakati areʋa iɀoɀo kwaʋari, akagara Garirea. Ɀino ʋanuŋuna ʋake ʋakati ʋakwira kumutambo, iye akabva okwira ʋo, asiŋgaendi pacena, asi paneŋge sapakaʋanda. Ɀino ʋaJuda ʋakamutȿaka pamutambo, ʋakati: Uripiko iye? Kuŋuŋuna kukuru kukaʋa’po pakati paʋazhinji pamsoro pake, ʋamŋe ʋaciti: Wakanaka; ʋamŋe ʋaciti: Kwete, unotsausa ʋanhu ʋazhinji. Kunyaŋge ɀakaɗaro kwakaŋga kusinomunhu waitaura pacena pamsoro pake, nokuti ʋakatya ʋaJuda. Ɀino kwakati paʋa pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akataŋga kudzidzisa. Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu unoziʋa seiko manyoro, ɀaasina‐kumbodzidza? Jesu akapindura, akati: Kudzidzisa kwaŋgu hakuzi kwaŋgu, asi ndokwowakandituma. Kana munhu aciɗa kuita kuɗa kwake, ucaziʋa kana kudzidzisa uku kucibva kunaMŋari, kana ndiciɀitaurira ndimene. Unoɀitaurira, unotȿaka kukudzwa kwake; asi unotȿaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye waɀokwaɗi, hapanakusarurama maari. Mosesi haana‐kukupai murairo here? Asi hakunomumŋe wenyu unoita murairo. Munotȿakireiko kundiʋuraya? Ʋanhu ʋazhinji ʋakapindura, ʋaciti: Unomŋeya wakaipa iwe; ndianiko unotȿaka kukuʋuraya? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ndakaita ɓasa rimŋe, mukashamiswa mose. Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dziŋgiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadziɓaɓa); ɀino imi munodziŋgisa munhu nesaɓata. Ɀino kana munhu aŋgadziŋgiswa nesaɓata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamŋira nokuti ndakaporesa munhu wose nesaɓata here? Musatoŋga neɀinoʋonekwa, asi toŋgai nokutoŋga kwakarurama.

Verenga chikamu Johane 7