Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:1-14

Johani 6:1-14 SNA2002

Shure kwaizvozvo Jesu akaenda mhiri kwegungwa reGariria, ndiro reTibheriasi. Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvaaiita kuvarwere. Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake. Pasika, mutambo wavaJudha, wakanga uri pedyo. Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji-zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?” Akareva izvozvo kuti amuedze, nokuti iye akaziva amene zvaakanga achida kuita. Firipi akamupindura, achiti, “Zvingwa zvamadhenari ana mazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.” Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andireya, munun'una waSimoni Petirosi, akati kwaari, “Pano pano mukomana, ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji?” Jesu akati, “Garisai vanhu pasi.” Zvino kwakanga kuno uswa huzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zviuru zvishanu. Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo. Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvakasara, kuti zvirege kurasika.” Ipapo vakazviunganidza, vakazadza matengu ane gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakanga zvasara kuna vakadya. Zvino vanhu vakati vaona chiratidzo chaakaita, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita, anouya panyika.”

Verenga chikamu Johani 6