Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:1-14

Johani 6:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi), uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere. Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake. Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo. Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?” Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita. Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!” Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati, “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?” Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove. Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.” Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya. Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure maizvozvo Jesu akaenda kumhiri kwegungwa reGarirea kana kuti gungwa reTibheriasi. Gurumwandira ravanhu rakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakaita pavarwere. Jesu akakwira mugomo ndokugara pasi navadzidzi vake. Izvozvo mazuva makuru avaJudha ePasika akanga ava pedyo. Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.” Izvi akataura kuri kumuedza zvake. Nokuti iye aiziva zvaaizoita. Firipi akamupindura achiti, “Mazana maviri emari yemadhenari haigoni kutenga chingwa chinokwana kuti mumwe nomumwe awane kachidimbu.” Mumwe wavadzidzi vake ainzi Andireya, munun'una waSimoni Pita akati kwaari, “Pane mukomana ari pano ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri asi zvingabatsirei panavanhu vakawanda kudai.” Jesu akati itii vanhu vagare pasi. Ipapo pakanga paine uswa hwakawanda. Varume vakagara pasi vainge zviuru zvishanu. Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo. Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa. Saizvozvo vakazviunganidza vakazadza tswanda gumi nembiri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu zvakasiiwa navakadya vaya. Vanhu pavakaona chiratidzo chaakanga aita, vakati chokwadi uyu ndiye muporofita uya ainzi ari kuuya pasi pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo Jesu wakenda mhiri kweguŋgwa reGarirea, ndiro reTiberiasi. Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, nokuti ʋakaʋona ɀiratidzo ɀaaiita kuʋarwere. Jesu akakwira mugomo, akagara’mo naʋadzidzi ʋake. Paseka, mutambo waʋaJuda, wakaŋga uri pedyo. Ɀino Jesu wakati acitarira, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaciʋuya kwaari, akati kunaFiripo: Tiŋgateŋgepiko ɀiŋgwa, kuti ʋanhu aʋa ʋadye? Wakareʋa iɀoɀo kuti amuidze, nokuti iye wakaziʋa amene ɀaakaŋga aciɗa kuita. Firipo akamupindura, aciti: Ɀiŋgwa ɀamadenari anamazana maʋiri haɀiŋgaʋariŋgani, kuti mumŋe nomumŋe atore ɀishoma. Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake, Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro, akati kwaari: Pano panomukomana, uneɀiŋgwa ɀishanu ɀebari nehoʋe mbiri; asi iɀi ɀiŋgakwanira sei ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? Jesu akati: Garisai ʋanhu pasi. Ɀino kwakaŋga kunoʋuswa bguzhinji ipapo. Naiɀoɀo ʋarume ʋakagara pasi, kuwanda kwaʋo kuneŋge ɀuru ɀishanu. Ɀino Jesu akatora ɀiŋgwa; akaʋoŋga, akaɀipa ʋakaŋga ʋagere pasi; nehoʋe ʋo saiɀoɀo paʋaiɗa napo. Ɀino ʋakati ʋaguta, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋuŋganidzai ɀimeɗu ɀakasara, kuti kurege kurashika cinhu. Ipapo ʋakaɀiʋuŋganidza, ʋakazadza mateŋgu anegumi namaʋiri neɀimeɗu ɀeɀiŋgwa ɀishanu ɀebari, ɀakaŋga ɀasara kunaʋakadya. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaʋona ciratidzo caakaita, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita, unoʋuya panyika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 6

Johani 6:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)