Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:16-26

Johani 4:16-26 SNA2002

Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’ “Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.” Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.” Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.” Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.”

Verenga chikamu Johani 4