Johani 4:16-26
Johani 4:16-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.” Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume. Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.” Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.” Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema. Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.” Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.” Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
Johani 4:16-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.” Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’ “Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.” Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.” Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.” Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.”
Johani 4:16-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akamuti, “Enda undodana murume wako uuye kuno.” Mukadzi akamupindura achiti, “Handina murume ini.” Jesu akati kwaari, “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume,’ nokuti wakamboita varume vashanu uye wauinaye zvino haasi murume wako. Apo wataura chokwadi. Mukadzi ndokuti kwaari, ‘Changamire ndaona kuti muri muporofita.’ Madzitateguru edu akanamata pagomo rino iri asi imi munoti: ‘MuJerusaremu ndimo munzvimbo munofanira kunamatirwa vanhu vari.’ ” Jesu akati kwaari, “Mukadzi iwe tenda zvandiri kutaura, nguva iri kuuya yamusingazonamati Baba mugomo rino iri kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi. Asi isu tinonamata chatinoziva nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate. Mwari mweya; saizvozvo, vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nomuchokwadi.” Mukadzi uya akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesia ari kuuya iye anonzi Kristu. Kana auya achatiratidza zvinhu zvose.” Jesu akati kwaari, “Iyeni ndiri kutaura kwauri ndini iye.”
Johani 4:16-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kwaari: Enda, undoɗana murume wako, ugoʋuya pano. Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handinomurume. Jesu akati kwaari: Wareʋa ɀakanaka, ɀawati: Handinomurume. Nokuti watoʋa naʋarume ʋashanu; uyo, waunaye ɀino, haazi murume wako; apo wareʋa ɀokwaɗi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoʋona kuti muri muprofita. Madziɓaɓa eɗu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti ŋguʋa inoʋuya, yamusiŋgazonamati Ƃaɓa pagomo iri, kana paJerusarema. Imi munonamata camusiŋgaziʋi; isu tinonamata catinoziʋa, nokuti ruponeso runobva kuʋaJuda. Asi ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, yokuti ʋanonamata neɀokwaɗi ʋacanamata Ƃaɓa mumŋeya neɀokwaɗi; nokuti Ƃaɓa ʋanotȿaka ʋakaɗaro kuzomunamata. Mŋari ndiMŋeya; ʋanomunamata, ʋanofanira kumunamata mumŋeya neɀokwaɗi. Ɀino mukadzi akati kwaari: Ndinoziʋa kuti Mesiasi unoʋuya, unonzi Kristu; kana iye aȿika, ucatiʋudza ɀose. Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.
Johani 4:16-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)