Jesu akati kwaari: Enda, undoɗana murume wako, ugoʋuya pano. Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handinomurume. Jesu akati kwaari: Wareʋa ɀakanaka, ɀawati: Handinomurume. Nokuti watoʋa naʋarume ʋashanu; uyo, waunaye ɀino, haazi murume wako; apo wareʋa ɀokwaɗi. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoʋona kuti muri muprofita. Madziɓaɓa eɗu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti ŋguʋa inoʋuya, yamusiŋgazonamati Ƃaɓa pagomo iri, kana paJerusarema. Imi munonamata camusiŋgaziʋi; isu tinonamata catinoziʋa, nokuti ruponeso runobva kuʋaJuda. Asi ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, yokuti ʋanonamata neɀokwaɗi ʋacanamata Ƃaɓa mumŋeya neɀokwaɗi; nokuti Ƃaɓa ʋanotȿaka ʋakaɗaro kuzomunamata. Mŋari ndiMŋeya; ʋanomunamata, ʋanofanira kumunamata mumŋeya neɀokwaɗi. Ɀino mukadzi akati kwaari: Ndinoziʋa kuti Mesiasi unoʋuya, unonzi Kristu; kana iye aȿika, ucatiʋudza ɀose. Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.
Verenga chikamu Johane 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johane 4:16-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo