Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 14:15-31

Johani 14:15-31 SNA2002

“Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. Neni ndichakumbira baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu. “Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. “Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari. Asingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, harisi rangu, asi nderababa vakandituma. “Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, achatumwa nababa muzita rangu, iye achakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri. “Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna baba; nokuti baba vakuru kwandiri. Zvino ndakuudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika anouya; asi haana chinhu kwandiri; asi izvi zvinoitika kuti nyika izive kuti ndinoda baba, uye kuti sezvandakarairwa nababa, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.

Verenga chikamu Johani 14

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 14:15-31