Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 14:15-31

Johani 14:15-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai. Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu. Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri. Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.” Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma. “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri. Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya. “Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini. Ndagara ndakuudzai zvichigere kuitika, kuitira kuti pazvinenge zvoitika mugozotenda. Handichazotauri nemi kwenguva refu, nokuti muchinda wenyika ino ari kuuya. Haana chinhu pandiri, asi nyika inofanira kudzidza kuti ndinoda Baba uye kuti ndinoita chaizvo zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu. “Uyai zvino; ngatibvei pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:15-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. Neni ndichakumbira baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu. “Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. “Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari. Asingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, harisi rangu, asi nderababa vakandituma. “Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, achatumwa nababa muzita rangu, iye achakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri. “Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna baba; nokuti baba vakuru kwandiri. Zvino ndakuudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika anouya; asi haana chinhu kwandiri; asi izvi zvinoitika kuti nyika izive kuti ndinoda baba, uye kuti sezvandakarairwa nababa, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:15-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu. Iniwo ndichakumbira Baba, ivo vachakupai mumwe Murevereri achava nemi nokusingaperi. Ndiye uya Mweya wechokwadi iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira nokuti hapamuoni kana kumuziva; imi munomuziva nokuti anogara nemi uye achava mamuri. “Handikusiyei muri nherera ndichauyazve kwamuri. Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona. Asi imi muchandiona zvenyu pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu. Ipapo ndipo pamuchaziva kuti ini ndiri muna Baba vangu imi muri mandiri iniwo ndiri mamuri. Munhu ane mitemo yangu achiichengeta, ndiye munhu anondida; uyo anondida achadidawo naBaba vangu iniwo ndichazviratidza kwaari.” Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.” Jesu akamupindura achiti, “Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari toita musha wedu maari. Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu, izwi ramuri kunzwa harisi rangu asi kuti nderaBaba vakandituma. “Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri ndichinemi. Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene achatumwa naBaba muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvose achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri. Ndinokusiirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kunoita nyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya. Mandinzwa ndichiti kwamuri ndiri kuenda, ndichauyazve kwamuri. Dai muchindida mungadai matofara kwazvo kuti ndiri kuenda kuna Baba nokuti Baba vakuru kwandiri. Zvino ndakutaurirai izvi zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutendhe. Handichataura nemi zvakawanda nokuti mutongi wapasi pano ari kuuya asi hapana chaanondiita. Asi ini ndinoita zvandakaudzwa naBaba kuti pasi pazive kuti ndinoda Baba. Chisimukai tiende.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:15-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu. Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi; ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu. Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari. Usiŋgandiɗi, haaceŋgeti mashoko aŋgu; shoko ramunonzwa, harizi raŋgu, asi nderaƂaɓa ʋakandituma. Ɀinhu iɀoɀi ndakakuʋudzai ndicigere nemi. Asi Munyaradzi, Mŋeya Mutȿene, ucatumŋa naƂaɓa muzita raŋgu, iye ucakudzidzisai ɀose, nokukuyeʋudzirai ɀose, ɀandakareʋa kwamuri. Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwaŋgu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera ɀe kwamuri. Ƌai maindiɗa, muŋgaɗai maifara, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋakuru kwandiri. Ɀino ndakuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti musi waɀinoitika mugotenda. Handicazotauri ɀizhinji nemi, nokuti mucinda wenyika unoʋuya; asi haanecinhu kwandiri; asi iɀi ɀinoitika kuti nyika iziʋe kuti ndinoɗa Ƃaɓa, ʋuye kuti seɀandakarairwa naƂaɓa, ndiɀo ɀandinoita. Simukai, ŋgatibve pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:15-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)