Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:23-32

Johani 12:23-32 SNA2002

Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza. “Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu.” Ipapo izwi rakauya, richibva kudenga, richiti, “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.” Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati, “Kwatinhira.” Vamwe vakati, “Mutumwa ataura naye.” Jesu akapindura, akati, “Izwi iri harina kuuya nokuda kwangu asi nokuda kwenyu. Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.”

Verenga chikamu Johani 12