Johani 12:23-32
Johani 12:23-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapindura akati, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudzwe. Ndinokuudzai chokwadi, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inongoramba ichingova yoga. Asi kana ikafa, inobereka mbeu dzakawanda. Munhu anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi munhu anovenga upenyu hwake munyika ino achahuchengetera upenyu husingaperi. Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira. “Zvino mwoyo wangu uri kurwadziwa, uye ndichati kudiniko? ‘Baba, ndiponesei kubva panguva ino?’ Kwete, ndizvo zvandakauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu!” Ipapo inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndatorikudza, uye ndicharikudzazve.” Vanhu vazhinji vaivapo uye vakarinzwa vakati kwatinhira; vamwe vakati mutumwa ataura kwaari. Jesu akati, “Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu. Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri.”
Johani 12:23-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza. “Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino. Baba, kudzai zita renyu.” Ipapo izwi rakauya, richibva kudenga, richiti, “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.” Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati, “Kwatinhira.” Vamwe vakati, “Mutumwa ataura naye.” Jesu akapindura, akati, “Izwi iri harina kuuya nokuda kwangu asi nokuda kwenyu. Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.”
Johani 12:23-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavapindura achiti, “Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu zvino achiwana mukurumbira. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa inoramba ichingova yoga asi ikafa inobereka muchero wakawanda. Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho, asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi. Anoda kundishandira, anofanira kunditevera, kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva. Munhu akandishandira, Baba vachamukudza. “Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo Ndoti kudiiko? Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi asi aiwa, inga zvenguva iyi ndizvo zvandakavinga wani. Baba rumbidzai zita renyu.” Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.” Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.” Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika. Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze. Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro payo nyika, ndichakwezvera vanhu vose kwandiri.
Johani 12:23-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akaʋapindura, akati: Ŋguʋa yaȿika, kuti Mŋanakomana womunhu akudzwe. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana tsaŋga yeɀiyo ikasawira muvu, ikafa, icagara iri yoga; asi kana ikafa, inoɓereka ɀiɓereko ɀizhinji. Unoɗa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; nounoʋeŋga ʋupenyu bgake panyika ino, ucabguceŋgeta kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Kana munhu acindishumira, ŋgaanditeʋere; napandineŋge ndiri, nomuranda waŋgu ucaʋa’po ʋo. Kana munhu acindishumira, Ƃaɓa ʋacamukudza. Ɀino mŋeya waŋgu unomanikidzwa; ndicatiyiko? Ƃaɓa ndiponesei paŋguʋa ino. Asi ndiɀo ɀandaʋuyira paŋguʋa ino. Ƃaɓa, kudzai zita renyu. Ipapo inzwi rakaʋuya, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ndatorikudza, ndicarikudza ɀe. Ɀino ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Kwatinhira. Ʋamŋe ʋakati: Mutumŋa wataura naye. Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina‐kuʋuya nokuɗa kwaŋgu, asi nokuɗa kwenyu. Ɀino kutoŋgwa kwenyika ino kwaʋa’po, ɀino mucinda wenyika ino ucadziŋgwa. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndicakweʋera ʋose kwandiri.
Johani 12:23-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)