Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:17-25

Johani 11:17-25 SNA2002

Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo. Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama.

Verenga chikamu Johani 11