Johani 11:17-25
Johani 11:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa

Johani 11:17-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo. Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama.
Johani 11:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakasvika akawana Razaro atova muguva kwamazuva mana. Bhetania iri pedyo neJerusaremu, makiromita anenge matatu. VaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuzovabata maoko ehanzvadzi yavo. Marita paakanzwa kuti Jesu avakusvika akaenda kundomuchingura Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Tenzi dai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Nyange iye zvino ndinoziva kuti chose chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka, pazuva remhedziso.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka nouupenyu. Anotenda mandiri kunyange akafa achava mupenyu.
Johani 11:17-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakati aciȿika, akamuwana atoʋa mubgiro mazuʋa manna. Betania rakaŋga riri pedyo neJerusarema, mastadia aneŋge gumi namashanu; ʋazhinji ʋaʋaJuda ʋakaŋga ʋaʋuya kunaMarta naMaria, kuti ʋaʋaɓate ruʋoko pamsoro pehanɀadzi yaʋo. Ɀino Marta wakati acinzwa kuti Jesu woʋuya, akaenda kundomuciŋgamidza; asi Maria wakagara mumba. Marta akati kunaJesu: Ishe, ɗai maiʋa pano, hanɀadzi yaŋgu iŋgaɗai isina‐kufa. Kunyaŋge ɀino ndinoziʋa, kuti ɀose ɀamunokumbira kunaMŋari, Mŋari ucakupai. Jesu akati kwaari: Hanɀadzi yako icamuka ɀe. Marta akati kwaari: Ndinoziʋa kuti ucamuka ɀe pakumuka nezuʋa rokupedzisira. Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noʋupenyu; unotenda kwandiri, kunyaŋge akafa, ucararama.
Johani 11:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)