Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:15-34

Johani 1:15-34 SNA2002

Johani akamupupurira, akadanidzira, achiti, “Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Uyo, anouya shure kwangu, akavapo mberi kwangu; nokuti akanditangira.’ ” Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. Hakuna munhu akatongoona Mwari; mwanakomana akabereka ari mumwe oga, ari pachifuva chababa, ndiye akamuzivisa isu. Uku ndiko kupupura kwaJohani, musi vaJudha vakatumira kwaari vapristi navaRevhi, vachibva Jerusaremu, kundomubvunza, kuti, “Iwe ndiwe aniko?” Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti, “Handisi Kristu.” Vakamubvunza, vachiti, “Asi kudiniko? Ndiwe Eria here?” Akati, “Handisi iye.” “Ko uri uya muporofita here?” Akapindura, akati, “Kwete.” Zvino vakati kwaari, “Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?” Akati, “Ndini izwi roanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaIshe; sezvakarehwa nomuporofita Isaya.’ ” Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi. Vakamubvunza, vakati kwaari, “Kana usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?” Johani akapindura, akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi; ndiye anouya shure kwangu, wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.” Izvozvi zvakaitwa paBhetania, mhiri kwaJorodhani, kwaibhabhatidza Johani. Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.” Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’ “Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”

Verenga chikamu Johani 1