Johani 1:15-34
Johani 1:15-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
15 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari asi Mwanakomana mumwechete waMwari iye wapamwoyo paBaba ndiye akaita kuti vazivikanwe kuvanhu. Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ” Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani. Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:15-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe. Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.” Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.” Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?” Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ” Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?” Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi. Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.” Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani. Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.” Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:15-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Johani akamupupurira, akadanidzira, achiti, “Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Uyo, anouya shure kwangu, akavapo mberi kwangu; nokuti akanditangira.’ ” Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha. Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. Hakuna munhu akatongoona Mwari; mwanakomana akabereka ari mumwe oga, ari pachifuva chababa, ndiye akamuzivisa isu. Uku ndiko kupupura kwaJohani, musi vaJudha vakatumira kwaari vapristi navaRevhi, vachibva Jerusaremu, kundomubvunza, kuti, “Iwe ndiwe aniko?” Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti, “Handisi Kristu.” Vakamubvunza, vachiti, “Asi kudiniko? Ndiwe Eria here?” Akati, “Handisi iye.” “Ko uri uya muporofita here?” Akapindura, akati, “Kwete.” Zvino vakati kwaari, “Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?” Akati, “Ndini izwi roanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaIshe; sezvakarehwa nomuporofita Isaya.’ ” Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi. Vakamubvunza, vakati kwaari, “Kana usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?” Johani akapindura, akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi; ndiye anouya shure kwangu, wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.” Izvozvi zvakaitwa paBhetania, mhiri kwaJorodhani, kwaibhabhatidza Johani. Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.” Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’ “Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:15-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
15 Johani akamupupurira akadaidzira achiti, “Uyu ndiye wandaiti, ‘Uyo achauya mushure mangu, mukuru kwandiri nokuti akavapo ndisati ndavapo.’ ” Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. Mutemo wakapiwa nokuna Mosesi nyasha nechokwadi zvikauya nokuna Jesu Kristu. Hakuna akamboona Mwari asi Mwanakomana mumwechete waMwari iye wapamwoyo paBaba ndiye akaita kuti vazivikanwe kuvanhu. Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ” Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani. Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.”
Johani 1:15-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Johane akamupupurira, akaɗanidzira, aciti: Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Uyo, unoʋuya shure kwaŋgu, wakaʋa’po mberi kwaŋgu; nokuti wakanditaŋgira. Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamsoro penyasha. Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, nyasha neɀokwaɗi ɀakaʋuya naJesu Kristu. Hakunomunhu wakatoŋgoʋona Mŋari; Mŋari wakaɓerekwa ari mumŋe woga, uri pacifuʋa caƂaɓa, ndiye wakamuziʋisa isu. Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi ʋaJuda ʋakatumira kwaari ʋaprista naʋaRevi, ʋacibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko? Akatenda pacena, haana‐kuramba, akatenda pacena, aciti: Handizi Kristu. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Asi kuɗiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muprofita here? Akapindura, akati: Kwete. Ɀino ʋakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura ʋakatituma. Unoɀiti aniko? Akati: Ndini inzwi rounoɗana murenje, riciti: Ruramisai nzira yaShe; seɀakarebga nomuprofita Isaya. Aʋa ʋakaŋga ʋatumŋa ʋaiʋa ʋaʋaFarise. Ʋakamubvunza, ʋakati kwaari: Kana usi Kristu, kana Eria, kana muprofita uya, unogobapatidzireiko? Johane akapindura, akati: Ini ndinobapatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumŋe wamusiŋgaziʋi; ndiye unoʋuya shure kwaŋgu, wandisina‐kufanira kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu yake. Iɀoɀi ɀakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridani, kwaibapatidza Johane. Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika. Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya murume, wakaʋa’po mberi kwaŋgu, nokuti wakanditaŋgira. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi ndiɀo ɀandakaʋuyira, ndicibapatidza nemvura, kuti aʋoneswe kuʋaIsraeri. Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoʋona Mŋeya aciɓuruka pamsoro pake, akagara pamsoro pake, ndiye unobapatidza noMŋeya Mutȿene. Ini ndikaʋona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mŋanakomana waMŋari.