Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 45

45
Shoko raJeremiya kuna Bharuki
1Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti, 2“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki, 3iwe wakati, ‘Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.’
4“Zvino chiti, kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.’ 5Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa hupenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 45: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda