Jeremiya 44
44
Jeremiya unoudza vaJudha vari Ijipiti kuti vachawirwa nenjodzi
1Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere panyika yeIjipiti, vakanga vagere Migidhori neTapanesi neNofi nomunyika yePatirosi, richiti, 2“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Makaona zvakaipa zvose zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu napamusoro pamaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, hapachina munhu unogaramo, 3nemhaka yezvakashata zvavo zvavakaita, zvakanditsamwisa, vachindopisa zvinonhuwira, nokushumira vamwe vamwari, vavakanga vasingazivi, ivo kana imi kana madzibaba enyu.’ 4Asi ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, ndichiti, ‘Haiwa, regai kuita chinhu ichi chinonyangadza, chandinovenga.’ 5Asi havana kuterera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuwira.
6“Naizvozvo hasha dzangu nokutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; zvino aparadzwa ava matongo, sezvazvakaita nhasi.
7“Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe; 8zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika? 9Makanganwa here zvakashata zvamadzibaba enyu nezvakashata zvamadzimambo aJudha, nezvakashata zvavakadzi vavo, nezvakashata zvenyu, nezvakashata zvavakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nomunzira dzomuJerusaremu?’
10“Kusvikira zuva ranhasi havana kuzvininipisa, kana kutya, kana kufamba nomurayiro wangu kana nezvirevo zvangu, zvandakaisa pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
11“Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tarirai, ndichakurinzirai chiso changu kuti ndikuitirei zvakaipa, kuti ndiparadze Judha rose. 12Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa. 13Nokuti ndicharova vagere munyika yeIjipiti, sezvandakarova Jerusaremu nomunondo nenzara uye nehosha yakaipa; 14kuti kurege kuva nomumwe wakasara waJudha, vakaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, ungapukunyuka kana ungasara, kuti adzokere kunyika yaJudha, kwavanoshuva kudzokera kuti vagarekozve; nokuti hakuna ungadzokera, asi vakapukunyuka.’ ”
15Ipapo varume vose, vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvinonhuwira, navakadzi vose, vakanga vamirepo, ungano huru, ivo vanhu vose vakanga vagere munyika yeIjipiti, naPatirosi, vakapindura Jeremiya, vachiti,
16“Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakutereri. 17Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi. 18Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
19“Zvino panguva yatakapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, ko taivaitira zvingwa zvokuvanamata nazvo, tikavadururira zvipiriso zvinodururwa, tisina varume vedu here?”
20Ipapo Jeremiya akati kuvanhu vose, kuvarume nokuvakadzi, kuna ivo vanhu vose vakanga vamupindura saizvozvo, akati, 21“Zvinonhuwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumwoyo make here?
22“Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomwoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu ravadongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi. 23Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.”
24Zvino Jeremiya akatiwo kuvanhu vose nokuvakadzi vose, “Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vari munyika yeIjipiti, 25zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu,’ muchiti, ‘Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa;’ zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu. 26Zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vagere munyika yeIjipiti, ‘Tarirai, ndakapika nezita rangu guru ndizvo zvinotaura Jehovha kuti zita rangu harichazorehwi nomuromo womunhu upi noupi waJudha munyika yose yeIjipiti,’ zvichinzi, ‘NaIshe Jehovha mupenyu!’ 27Tarirai, ndinovarindira ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka; vanhu vose vaJudha vari munyika yeIjipiti vachaparadzwa nomunondo nenzara, kusvikira vapera vose. 28Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma; vakasara vose vaJudha, vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo. 29Zvino ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha kuti ndichakurovai panzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu achava nesimba kukuitirai zvakaipa. 30Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 44: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002