Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:19-22

Jakobho 1:19-22 SNA2002

Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari. Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu. Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.

Verenga chikamu Jakobho 1