Jakobho 1:19-22
Jakobho 1:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai. Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
Jakobho 1:19-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari. Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu. Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.
Jakobho 1:19-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza

Jakobho 1:19-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe. Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza
Jakobho 1:19-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa; nokuti kutsamŋa kwomunhu hakuiti kururama kwaMŋari. Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu. Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera.