Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu. Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakobho chiso chake, ndichamutsvaka. Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZioni. Zvino kana vachiti kwamuri, “Bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve:” Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here? Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani. Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga. Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
Verenga chikamu Isaya 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 8:16-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo