Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 63:7-9

Isaya 63:7-9 SNA2002

Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake. Nokuti akati, “Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera;” naizvozvo akava Muponesi wavo. Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.

Verenga chikamu Isaya 63