Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 63

63
Kutongwa kwamarudzi
1Ndianiko uyu anobva Edhomu, anobva Bhozira ane nguo dzakatsvuka kwazvo? Ndiani uyo akafuka zvinobwinya, anofamba noukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”
2Ko nguo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu anotsika muchisviniro chewaini neiko?
3“Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose. 4Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumwoyo mangu; gore ravakadzikunurwa vangu rasvika. 5Ndikatarira, ndikashayiwa anobatsira, ndikashamiswa nokuti kwakanga kusina anotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira. 6Ndikatsika-tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa rohupenyu hwavo pasi.”
Vanhu vaJehovha vanokumbira kuti vanzwirwe nyasha
7Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake.
8Nokuti akati, “Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera;” naizvozvo akava Muponesi wavo. 9Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare. 10Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene.
11Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati, “Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo? 12Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi?
13“Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?” 14Mweya waJehovha wakavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru-kuru.
15Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro hwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomwoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri. 16Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu; Mudzikinuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu. 17Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu. 18Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene. 19Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 63: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda