Isaya 55
55
Uyai mutore ruponeso
1“Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, noasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musine mari, pasina mutengo.
2“Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nezvamakabatira muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora. 3Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sungano isingaperi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi. 4Tarirai, ndakakuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi. 5Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.
6“Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo. 7Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru. 8Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha. 9Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
10“Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya; 11ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira. 12Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira. 13Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musaipuresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirite; zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 55: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002