Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 49

49
Muranda waJehovha, chiedza chamarudzi
1Ndinzwei, imi zvivi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu; 2akaita muromo wangu somunondo unopinza; akandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake; 3akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu; Isiraeri wandinozvirumbidza maari.” 4Asi ndakati, “Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.” 5Zvino zvanzi naJehovha, akandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive muranda wake, ndidzosere Jakobhozve kwaari, uye kuti Isiraeri vaunganidzwezve kwaari, (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu); 6zvirokwazvo, iye akati, “Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichakuitawo chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.” 7Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kunoanozvidzwa navanhu, kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, “Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.” 8Zvanzi naJehovha, “Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa; 9kuti uti kuna vakasungwa, ‘Budai;’ nokuna vagere murima, ‘Zviratidzei.’ Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko. 10Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nokuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura. 11Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa. 12Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi.” 13Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
14Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Ishe akandikanganwa.” 15“Ko mukadzi angakanganwe mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vangakanganwa zvavo, asi ini handingakukanganwi. 16Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose. 17Vana vako vanokurumidza; vaparadzi vako navanokuita dongo vachabuda mauri.
18“Ringira kwose-kwose nameso ako, uone; ava vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri. Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uchazvisunga chiuno navo somwenga.
19“Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure. 20Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, ‘Pano hapatiringani, tiratidzei nzvimbo patingagara.’ 21Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose-kwose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?’ ”
22Zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachipfuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo. 23Madzimambo achava madzibaba anokurerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.” 24Ko ane simba angatorerwe zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here? 25Asi zvanzi naJehovha, “Kunyange navatapwa voanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zvoanotyisa zvicharwirwa; nokuti ndicharwa noanorwa newe, nokuponesa vana vako. 26Vanokumanikidza ndichavadyisa nyama yavo imene, vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Anesimba waJakobho.”

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 49: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda