Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 8

8
Kuparadzwa kwaIsiraeri kwava pedyo
1“Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu. 2Vachadana kwandiri, vachiti, ‘Mwari wangu, isu vaIsiraeri tinokuzivai.’ 3Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.
4“Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.
5“Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; vachanonoka kusvikira riniko kuva vakanaka? 6Nokuti chinhu ichi chakabvawo kuvaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa-putswa. 7Nokuti vanodyara mhepo, vachacheka chamupupuri; havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyange chikabereka, zvichamedzwa navatorwa. 8Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikanwi nomunhu. 9Nokuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira. 10Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
11“Efuremu zvaakawanza maaritari okutadza nawo, maaritari ake akamutadzisa. 12Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurayiro wangu, asi vanoti ndezvavatorwa. 13Kana zviri zvibayiro zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Ijipiti.
14“Nokuti Isiraeri vakakanganwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Hosea 8: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda