VaHebheru 8
8
Sungano yekare yapfuura, Kristu ndiye murevereri wesungano itsva
1Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tino mupristi mukuru akadai akagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga; 2iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naIshe, isina kumiswa nomunhu.
3Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo; 4nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurayiro; 5ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.”
6Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka. 7Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo. 8Nokuti anovapa mhosva, achiti,
“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Ishe,
Andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsiraeri,
uye neimba yaJudha;
9Isina kuita sesungano yandakaita namadzibaba avo,
Pazuva randakabata ruoko rwavo,
kuti ndivabudise munyika yeIjipiti;
Nokuti havana kurambira musungano yangu,
Neni ndakasava nehanya navo,
ndizvo zvinotaura Ishe.
10Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri
Kana mazuva iwayo apfuura,
ndizvo zvinotaura Ishe;
Ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo,
Napamwoyo yavo ndichainyora,
Ndichava Mwari wavo,
Ivo vachava vanhu vangu;
11Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake,
Kana mumwe nomumwe hama yake, ichiti,
‘Ziva Ishe;’
Nokuti vose vachandiziva,
Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.
12Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo,
Nezvivi zvavo handichazozvirangariri.”
13Zvaanoti: Sungano itsva, akasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002