Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.
Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe; muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo; kurege kuvapo nemhombwe, kana noasina hanya naMwari, saEsau akatengesa udangwe hwake nokudya kamwechete.
Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namaoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru, nokukurira kwehwamanda, nokuzwi ramashoko; ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa; nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charayirwa, chokuti, “Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;” icho chakaonekwa chatyisa kudai, kuti naMosesi akati, “Ndinotya kwazvo, ndinodedera;” asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusaremu riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi, nokuungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokuna Mwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa, nokuna Jesu, Murevereri wesungano itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuura Abheri.
Chenjerai kuti murege kuramba anotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavarayira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga; izwi rake rakazunungusa nyika nenguva iyo; asi zvino akapikira, achiti, “Ndichabvundisazve kamwechete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.”
Zvino shoko iri rokuti, “Kamwechete,” rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.
Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuvonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.