Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 12:12-29

VaHebheru 12:12-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba. “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuva akaremara, asi kuti aporeswe. Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi. Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru; kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko, nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.” Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.” Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro, kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa, kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri. Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga? Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.” Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo. Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya, nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”

VaHebheru 12:12-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Saka simbisaizve maoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe. Tsvakai rugare navanhu vose, noutsvene, nokuti kunze kwahwo hakuna munhu achaona Ishe; muchenjere kuti kurege kuva nomunhu anodzokera shure panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo; kurege kuvapo nemhombwe, kana noasina hanya naMwari, saEsau akatengesa udangwe hwake nokudya kamwechete. Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namaoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru, nokukurira kwehwamanda, nokuzwi ramashoko; ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa; nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charayirwa, chokuti, “Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;” icho chakaonekwa chatyisa kudai, kuti naMosesi akati, “Ndinotya kwazvo, ndinodedera;” asi imi makaswedera kugomo reZioni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusaremu riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi, nokuungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokuna Mwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa, nokuna Jesu, Murevereri wesungano itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuura Abheri. Chenjerai kuti murege kuramba anotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavarayira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga; izwi rake rakazunungusa nyika nenguva iyo; asi zvino akapikira, achiti, “Ndichabvundisazve kamwechete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.” Zvino shoko iri rokuti, “Kamwechete,” rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare. Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuvonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.

VaHebheru 12:12-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Naizvozvo chisimudzai maoko enyu akarengwendeka, mugwinyise mabvi enyu asina simba. Ruramisai nzira dzenyu kuti vakaremara varege kusvodogoka asi kuti varapwe. Vavarirai kuva norugare navanhu vose uye kuva noutsvene hwokuti kana munhu asinahwo haakwanisi kuona Tenzi. Chenjerai kuti pasava nomunhu anotadza kuwana nyasha dzaMwari kuti parege kuva nomudzi unovava ungakure ukakonzera nhamo uchikonzera vazhinji kun'oreswa; kuti pasave naani zvake anoita zvounzenza kana asina hanya nokunamata Mwari sezvakaita Esau akatengesa utangwe hwake nokuda kwechokudya, chokudya kamwechete. Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama. Hamuna kuswedera pane chisingabatwe, kana kumoto unon'anduma kana kurima dema rakati kwirindindi kana kudutu remhepo, nokurira kwebhosvo namaungira amazwi akaita kuti vaizvinzwa vakumbire kuti pasataurwezve kwavari nokuti vakanga vasingakwanisi kuchengeta zvakanga zvarayirwa zvaiti, “Kunyange mhuka ikangogunzva gomo inofanira kutemwa namabwe.” Zvakaonekwa zvaityisa zvokuti Mosesi akazoti, “Ndinodedera nokutya.” Asi imi makaswedera kugomo reZioni nokuguta raMwari mupenyu, kuJerusaremu rokudenga, nokuvatumwa vasingaverengeki vari pagungano rokufara uye kuungano yamatangwe akanyorwa kudenga nokumutongi ari Mwari wavose nokumweya yakanaka yakaruramiswa uye nokuna Jesu mukumbanidzi pachitendero chitsva nokuropa rakasaswa rinoreva zvinhu zviri nane kupinda raAbheri. Onai kuti musarambe kuteerera iye ari kutaura. Kana avo vakanyeverwa nomunhu wapasi pano vasina kupunyuka pavakaramba kuteerera iye aivayambira ko kutozoti isu tichapunyuka sei kana tikaramba kunyeverwa kunobva kudenga. Izwi rake rakazungunutsa pasi. Asi iye akatsidza kuti haachazozungunutsa zvake nyika chete asi nedengawo. Izwi iri rokuti, “Zvakare” raratidza kubviswa kwezvinozungunutswa kuti zvisingazungunutswi zvirambe zviripo. Saka ngatitendei kugamuchira kwatakaita umambo husingazunguniki. Nokudaro ngatipirei kuna Mwari kunamata kunogamuchirika kuno rukudzo nokutya nokuti Mwari wedu moto unoparadza.

VaHebheru 12:12-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Saka simbisai ɀe maʋoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti ico cinokamhina cirege kushoɗoka, asi ciporeswe. Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; mucenjere kuti kurege kuʋa nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMŋari; kuti mudzi wokuʋaʋa urege kumuka, ukutambudzei, ʋazhinji ʋagoȿiɓiswa nawo; kurege kuʋa’po nemhombge, kana nousinehanya naMŋari, saEsau wakateŋgesa ʋuɗaŋgwe bgake nokudya kamŋe cete. Nokuti munoziʋa kuti acizoɗa hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambga; nokuti haana‐kuwana ŋguʋa yokutendeʋuka, kunyaŋge akaitȿaka ɀikuru nemisodzi. Nokuti hamuna‐kusweɗera kugomo riŋgaɓatwa namaʋoko, rinopfuta, ʋuye kurima, nokukuȿiɓa, nokuɗutu guru, nokukurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko; iʋo ʋakarinzwa ʋakakumbira kuti shoko rimŋe rirege kuzoʋataurirwa; nokuti ʋakakoniwa kuteʋera cakaŋga carairwa, cokuti: Kunyaŋge nemhuka kana ikaɓata gomo, icatakwa namabge; ico cakaʋonekwa cakatyisa kuɗai, kuti naMosesi wakati: Ndinotya kwaɀo, ndinoɗeɗera; asi imi makasweɗera kugomo reZioni, nokuguta raMŋari mupenyu, Jerusarema riri kuɗeŋga, nokumazana namazana aʋatumŋa ʋasiŋgaʋereŋgwi, nokuʋuŋgano huru, nokukereke yamataŋgwe akanyorwa kuɗeŋga, nokunaMŋari, mutoŋgi waʋose, nokumŋeya yaʋakarurama ʋakakwaniswa, nokunaJesu, Mureʋereri wesuŋgano itȿa, nokuropa rakasaswa, rinotaura ɀakanaka kupfuʋura Aberi. Cenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana aʋo ʋakamuramba ŋguʋa yaakaʋaraira panyika, ʋasina‐kupukunyuka, ɀikuru isu kana tikafuratira iye wokuɗeŋga; inzwi rake rakazunuŋgusa nyika neŋguʋa iyo; asi ɀino wakapikira, aciti: Ndicabvundisa ɀe kamŋe cete, isati iri nyika ɓedzi, asi neɗeŋga ʋo. Ɀino shoko iri rokuti, kamŋe cete, rinoratidza kubviswa kweɀinozunuŋguka, seɀinhu ɀakaitwa, kuti iɀo ɀisiŋgazunuŋguki ɀigare. Saka, ɀatinopiwa ʋushe bgusiŋgazunuŋguki, ŋgatiʋe nokuʋoŋga, kuti tishumire Mŋari nako, ticimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mŋari weɗu mŋoto unoparadza.

VaHebheru 12:12-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)