Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 1

1
Kristu mukuru kuvatumwa
1Mwari akataura kare kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji, 2zvino pakupedzisira kwamazuva ano akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika; 3iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga, 4akapfuura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5Nokuti akambotaura kuna ani wavatumwa achiti,
“Ndiwe Mwanakomana wangu,
Nhasi ndakakubereka?
Uyezve,
Ndichava baba vake,
Iye achava Mwanakomana wangu?”
6Uye, kana achizouyisazve dangwe rake panyika, anoti, “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.” 7Napamusoro pavatumwa anoti,
“Iye anoita vatumwa vake kuti vave mhepo,
Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;”
8Asi pamusoro poMwanakomana, anoti,
“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari,
chiripo nokusingaperi-peri,
Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo youshe hwako.
9Makada kururama, mukavenga kusarurama;
Saka Mwari, iye Mwari wenyu, akakuzodzai
Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.”
10Uye,
“Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga,
Nedenga ndiro basa ramaoko enyu;
11Iro richapera, asi imi mucharamba muripo;
Richasakara rose senguo;
12Mucharipeta sechinofukwa,
Senguo, rikashandurwa;
Asi imi hamushanduki, namakore enyu haangagumi.”
13Asi akambotaura kuna ani wavatumwa, achiti,
“Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndichiita vavengi vako vave
chitsiko chetsoka dzako?”
14Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?

Zvasarudzwa nguva ino

VaHebheru 1: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda