Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 9:1-29

Genesi 9:1-29 SNA2002

Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekai, muwande, muzadze nyika. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu. Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema. Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo. Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu. Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake. As imi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.” Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati, “Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai; nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika. Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.” Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi. Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore, ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama. Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.” Mwari akati kuna Noa, “Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.” Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani. Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo. Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa; akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake. Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri. Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo. Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku, akati, “Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” Akati, “Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake. Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.” Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu. Mazuva ose aNoa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.

Verenga chikamu Genesi 9