Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 9:1-29

Genesisi 9:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika. Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu. Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro. Asi chete nyama ichine ropa rayo, ichine upenyu hwayo, musaidye. Ndinoti kuurayiwa kwenyu vanhu kunofanira kutoripwa. Mhuka kana munhu anouraya munhu ndinoda kuona kuti atoripa. Munhu anouraya mumwe munhu, mhaka iyoyo inoripwa norufu rwomunhu. Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake. “Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.” Mwari akataurira Nowa navanakomana vake achiti, “Chinzwai, ndava kuita chitenderano changu newe nezvizvarwa zvako zvichauya, pamwechete nezvipenyu zvose zvaunazvo, zvinoti: shiri nezvipfuwo nemhuka dzose dzepanyika dzinewe nezvose zvabuda mungarava nemhuka dzose dzapasi pose. Chitenderano chandinoita nemi ndechichi chokuti, ‘Handichazomboparadza zvakare zvipenyu zvose namafashamo emvura uye hakuchazovizve namafashamo emvura okuparadza pasi pose.’ ” Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose. Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore, ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose. Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani. Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano. Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi. Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka. Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze. Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka. Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku. Akati, “Kanani ngaawirwe norushambwa, ngaave muranda chaiye wokupedzesera kuvakoma navanun'una vake.” Akatiwo, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu, Kanani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakudziridze Jafeti, ngaagare mumatendhe aShemu, Kanani ave muranda wake.” Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu. Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 9

Genesisi 9:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekai, muwande, muzadze nyika. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu. Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema. Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo. Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu. Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake. As imi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.” Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati, “Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai; nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika. Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.” Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi. Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore, ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama. Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.” Mwari akati kuna Noa, “Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.” Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani. Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo. Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa; akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake. Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri. Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo. Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku, akati, “Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” Akati, “Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake. Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.” Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu. Mazuva ose aNoa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 9

Genesisi 9:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu. Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose. “Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi. Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake. “Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu. Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.” Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo, “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera, uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika. Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.” Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose. Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.” Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.” Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika. Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake. Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze. Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo. Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.” Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 9

Genesisi 9:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekai, muwande, muzadze nyika. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu. Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema. Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo. Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu. Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake. As imi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.” Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati, “Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai; nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika. Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.” Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi. Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore, ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama. Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.” Mwari akati kuna Noa, “Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.” Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani. Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo. Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa; akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake. Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri. Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo. Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku, akati, “Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” Akati, “Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake. Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.” Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu. Mazuva ose aNoa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 9

Genesisi 9:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika. Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu. Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro. Asi chete nyama ichine ropa rayo, ichine upenyu hwayo, musaidye. Ndinoti kuurayiwa kwenyu vanhu kunofanira kutoripwa. Mhuka kana munhu anouraya munhu ndinoda kuona kuti atoripa. Munhu anouraya mumwe munhu, mhaka iyoyo inoripwa norufu rwomunhu. Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake. “Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.” Mwari akataurira Nowa navanakomana vake achiti, “Chinzwai, ndava kuita chitenderano changu newe nezvizvarwa zvako zvichauya, pamwechete nezvipenyu zvose zvaunazvo, zvinoti: shiri nezvipfuwo nemhuka dzose dzepanyika dzinewe nezvose zvabuda mungarava nemhuka dzose dzapasi pose. Chitenderano chandinoita nemi ndechichi chokuti, ‘Handichazomboparadza zvakare zvipenyu zvose namafashamo emvura uye hakuchazovizve namafashamo emvura okuparadza pasi pose.’ ” Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose. Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore, ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose. Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.” Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani. Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano. Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi. Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka. Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze. Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka. Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku. Akati, “Kanani ngaawirwe norushambwa, ngaave muranda chaiye wokupedzesera kuvakoma navanun'una vake.” Akatiwo, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu, Kanani ngaave muranda waShemu. Mwari ngaakudziridze Jafeti, ngaagare mumatendhe aShemu, Kanani ave muranda wake.” Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu. Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 9

Genesisi 9:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Mŋari wakaropafadza Noa naʋanakomana ʋake, akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, dzicakutyai nokukuvundukai; ɀose ɀinokambaira pasi, nehoʋe dzose dzeguŋgwa, ɀinoiswa pamaʋoko enyu. Ɀose ɀinofamba ɀipenyu ɀicaʋa ɀokudya ɀenyu; ndinokupai ɀose, seɀandakakupai miriʋo mitema. Asi nyama, kana inoʋupenyu bgayo, iro ropa rayo, musaidya iyo. Ɀirokwaɀo ropa renyu, roʋupenyu bgenyu, ndicaritȿaka; ndicaritȿaka paɀipenyu ɀose, ndicatȿaka ʋupenyu bgomunhu paruʋoko rwomunhu naparuʋoko rwehama yomunhu. Aninani unoteʋura ropa romunhu, ropa rake ricateʋurwa ʋo nomunhu; nokuti Mŋari wakaita munhu nomufananidzo wake. Asi imi ɓerekai, muwande; ɓerekai ɀikuru panyika, muwande mukati mayo. Ɀino Mŋari wakataura naNoa naʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋanaye, akati: Tarirai, ini ndinoita suŋgano yaŋgu nemi naʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai; neɀipenyu ɀose ɀinemi, ɀinoti, shiri, neɀipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; ɀose ɀinoɓuɗa paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika. Ndicaita suŋgano yaŋgu nemi; ɀose ɀenyama haɀiŋgazopedzwi ɀe nemvura zhinji: mvura zhinji haiŋgazoʋi’po ɀe kuti iparadze nyika. Ipapo Mŋari wakati: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandinoita pakati paŋgu nemi neɀipenyu ɀose ɀinemi kuȿikira kumarudzi asiŋgaperi: Ndinoisa muraraʋuŋgu waŋgu mugore, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano pakati paŋgu nenyika. Ɀino ndicati kana ndikaʋuyisa gore pamsoro penyika, muraraʋuŋgu uyu ukaʋonekwa mugore, ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu iri pakati paŋgu nemi, napakati peɀipenyu ɀose ɀenyama; mvura haicazoʋi zhinji ɀe kuti iparadze ɀose ɀenyama. Muraraʋuŋgu ucaʋa’po mugore; ndicautarira, kuti ndiraŋgarire suŋgano isiŋgaperi pakati paMŋari neɀipenyu ɀose ɀenyama ɀiri panyika. Mŋari akati kunaNoa: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandakaita pakati paŋgu neɀose ɀenyama ɀiri panyika. Ʋanakomana ʋaNoa ʋakaɓuɗa muareka ndiʋaʋa: Shemi, naHami, naJafeti; Hami ndiye ɓaɓa ʋaKanani. Ndiʋaʋa ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaNoa; nyika yose yakazadzwa naʋo. Noa wakataŋga kuʋa murimi, akarima munda womuzambiriŋga; akanwa waini, akaɓatwa, akaɀifukura mutente rake. Ɀino Hami, ɓaɓa ʋaKanani, wakaʋona kusasimira kwaɓaɓa ʋake, akaziʋisa ʋakuru ʋake ʋaʋiri. Ipapo Shemi naJafeti ʋakatora ŋguʋo, ʋakaiisa pamafudzi aʋo, ʋakaenda manhenda shure, ʋakafukidzira kusasimira kwaɓaɓa ʋaʋo; ɀiso ɀaʋo ɀakaŋga ɀakatarira shure, ʋakasaʋona kusasimira kwaɓaɓa ʋaʋo. Ɀino Noa akapeŋgenuka pawaini yake, akaziʋa ɀaakaitirwa nomŋanakomana wake muɗuku, akati: Kanani ŋgaatukwe; Ucaʋa muranda waʋaranda kuʋakuru ʋake. Akati: Jehova Mŋari waShemi ŋgaakudzwe, Kanani ŋgaaʋe muranda wake. Mŋari ŋgaakurise Jafeti, Ŋgaagare mumatente aShemi, Kanani ŋgaaʋe muranda wake. Noa wakagara shure kwemvura zhinji makore anamazana matatu namakumi mashanu. Mazuʋa ose aNoa akaŋga ari mazana mapfumbamŋe namakumi mashanu, akafa.