Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, “Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera.
Unganai, munzwe imi vanakomana vaJakobho,
Teererai Isiraeri, baba venyu.
Rubheni, iwe uri dangwe rangu,
simba rangu, nokutanga kwesimba rangu;
Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;
Unotutuma semvura, haungavi noukuru;
Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako,
Ukausvibisa; wakakwira kumubedha wangu.
Simeoni naRevhi vana vamai vamwe;
Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.
Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo.
Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo;
Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu,
Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
Kutsamwa kwavo ngakutukwe,
nokuti kwakanga kuri kukuru;
Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa;
Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho,
nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.
Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako;
Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako,
Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.
Judha mwana weshumba;
Iwe mwanakomana wangu,
wakwira uchibva pane zvakaurawa;
Wakakotama, wakanyanga seshumba,
Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,
Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake,
Kusvikira Shiro auya;
Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.
Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa,
Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka;
Wakasuka nguo dzake newaini,
Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
Meso ake achatsvuka newaini,
Meno ake achachena nomukaka.
Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa;
iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe;
Muganhu wake uchasvika paSidhoni.
Isakari imbongoro ine simba,
Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai;
Akaona zororo kuti rakanaka,
Nenyika kuti inofadza,
Akarerekera fudzi rake kuti atakure,
akava mubatiri wechibharo.
Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake,
Sorumwe rwamarudzi aIsiraeri.
Dhani achava senyoka munzira,
Semvumbi mugwara,
Inoruma zvitsitsinho zvebhiza;
Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
Ndakamirira ruponeso rwenyu imi Jehovha.
Gadhi achavambwa nehondo,
Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.
Asheri achava nezvokudya zvakakora;
Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.
Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka,
Anotaura mashoko akanaka.
Josefa idavi rinobereka,
Idavi rinobereka patsime;
matavi ake anodarika madziro.
Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo,
Vakamupfura, vakamuvenga;
asi uta hwake hwakaramba une simba,
Maoko ezvanza zvake akasimbiswa
Namaoko owaMasimbaose waJakobho,
(Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),
Mwari wababa vako achakubatsira;
waMasimbaose, achakuropafadza,
Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro,
Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi,
Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.
Ropafadzo dzababa vako
Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu,
kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi;
dzichagara pamusoro waJosefa,
Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake.
Bhenjamini ibere rinoparadza;
Mangwanani achadya chakaurawa,
Madeko achagovera zvaakapamba.”
Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri aIsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake. Akavaraira, akati kwavari, “Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti, bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga; ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea; munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.” Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake.