Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 49:1-33

Genesisi 49:1-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya. “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri. “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba. Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, panhoo yangu uye ukaisvibisa. “Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna, minondo yavo zvombo zvokurwa. Ngandirege kupinda parangano yavo, ngandirege kuva paungano yavo, nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo uye vakagura marunda enzombe sezvavaida. Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai, uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai! Ndichavaparadzira muna Jakobho uye ndigovatsaura muna Israeri. “Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri. Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa? Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake, kusvikira asvika kumuridzi wawo, uye kuteerera kwendudzi ndokwake. Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa, nomwana wayo padavi rakaisvonaka; achasuka nguo dzake muwaini, zvokufuka zvake muropa ramazambiringa. Meso ake achasviba kupfuura waini, meno ake achachena kupfuura mukaka. “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa uye achava zororo rezvikepe; muganhu wake uchasvika paSidhoni. “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai. Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye achava mubatiri wechibharo. “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri. Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure. “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha. “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo. “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo. “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa, inobereka tsvana dzakaisvonaka. “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa, unobereka uri pedyo netsime, matavi awo anokwira pamadziro. Neshungu vapfuri vanomurwisa; vanomupfura noruvengo. Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, maoko ake akasimba, akagwinya, nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho, nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri, nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira, nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza namaropafadzo okumatenga kumusoro, maropafadzo okwakadzika kuri pasi, maropafadzo amazamu neechizvaro. Maropafadzo ababa vako makuru kupfuura maropafadzo amakomo ekare, kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare. Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa, pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake. “Bhenjamini ibere rinoparadza; mangwanani anodya nyama, madekwana anogovera zvaapamba.” Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira. Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti, bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda. Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo. Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.” Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 49

Genesisi 49:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Jakobho akakokorodza vanakomana vake akati, “Chiunganai pano mose ndikuudzei zvichazoitika kwamuri mune ramangwana. Unganai nuteerere imi vana Jakobho, munzwe zvandava kutaura ini Isiraeri baba wenyu. Rubheni, ndiwe dangwe rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, wandakabereka ndichiri kuzvinzwa. Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro. Unovhaira semvura iri kuvira, asi hauzovi mukuru nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba ukan'oresa pandinorara, uchitoenda zvako pauriri hwangu. “Simeoni naRevhi mukoma nomun'una, zvombo zvehondo zvavo ndezvokumutsisa musindo chete. Pabangano ravo handitsikipo, handina chandinoronga navo, nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa. Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo. Mwari ngaarange kutsamwa kwavo, nokuti kunotyisa. Ngaarange hasha dzavo nokuti dzinovaitisa utsinye. Ndichati mumwararire zvenyu muzvizvarwa zvaJakobho muti mwarara zvenyu mukati mavaIsiraeri. “Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako. Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira, vana vababa vako vachakugwadamira. Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa. Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha. Haazotorerwa nyembe youmambo, kusvikira muridzi wenyembe asvika. Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera. Achasungirira dhongi rake pamugirepisi achasungirira chigondora chake chedhongi pamugirepisi wakanaka kwazvo, hanzu dzake achisuka zvake muwaini, zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka. Meso ake achatsvuka kunge waini, meno ake agochena kuti mbe-e somukaka. “Zebhuruni achava mugari wokumahombekombe kwegungwa. Nyika yake ichava yokusvikira ngarava, muganhu wake uchisvika kuSidhoni. “Isakari idhongi chairo kusimba, sedhongi riri pakati pemitoro yaro. Paachaona kuti agere panyika yakanaka nyika inomufadza kwazvo, achabvuma zvake kutakura mutoro pamapfudzi. “Dhani achavawo mutongi wavanhu vake, sezvichangoitawo mamwe madzinza evaIsiraeri. Dhani achaita senyoka iri panzira, senyoka inouturu iri panofamba vanhu, inoruma bhiza nechepazondo raro, mutasvi waro achiwira pasi negotsi. Tenzi we-e ini ndamirira ruponeso rwenyu. “Gadhi acharwiswa namagandanga, asi iye achatsikirirana nawo kutevera. “Asheru achawana zvokudya, zvokudya zvakawanda zvakanaka, zvinotodyiwawo kwazvo namadzimambo. “Nafutariwo ungati isheshe yenondo inotamba-tamba zvayo, inoberekawo mhuru dzakanaka. “Josefi akaita sembizi imire pachisipiti, ungati imbizi iri mujinga megomo. “Mhandu dzake dzinomurwisa zvinotyisa, dzichimudzingirira nouta nemiseve. Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa. Maoko ake achiramba akasimbaradzwa, nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri. Mwari wababa vako ngaakubatsire, iye Aripagomo akukomborere. Akukomborere nokukunayisira mvura, akupewo mvura inobva muvhu. Ngaakomborere madzimai enyu agobereka vana vavanozoyamwisa, akomborerewo zvipfuwo zvenyu zvigobereka vana vokuyamwisa. “Makomborero andakupa ini baba vako anopfuura makomborero anobva mumakomo epasi chigare. Anopfuura zvinokosha zviri mumakomo okugara nokugara. Ndiwo makomborero achava aJosefi, akasarudzwa naMwari kutungamirira vakoma vake. “Bhenjamini mhumhi chaiyo inorura, inobata nyama mangwanani, manheru yogara pasi kuigovanisa.” Iwaya ose ndiwo madzinza gumi namaviri evaIsiraeri. Mashoko aya ndiwo akataurwa nababa wavo achivakomborera, achipa mumwe nomumwe chikomborero chakakodzerana naye. Jakobho akazorongera vana vake achiti, “Nguva yangu yokuti ndichiendawo kwakaenda vamwe vokwangu yava kusvika. Munofanira kuzondiviga pane madzibaba angu, mubako riya riri mugura raEfuroni worudzi rwechiHiti.” Ndiro bako riya riri mugura kuMakipera riri nechokumabvazuva kweMamure, munyika yeKanani, rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda wacho kuna vaEfuroni muHiti ikava nzvimbo yavo yokuviga vanhu. Ipapo ndipo pakavigwa Abhurahamu nomudzimai wake Sara. Isaki nomudzimai wake Ribheka vakavigwawo ipapo. Rea ndakazomuvigwawo ipapo. Munda wacho nebako ririmo zvakatengwa kuvaHiti. Kuzoti Jakobho apedza kurongera vana vake akarara pamubhedha wake, ndiye sarai oendawo kwakaenda vamwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 49

Genesisi 49:1-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, “Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera. Unganai, munzwe imi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu. Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba; Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukausvibisa; wakakwira kumubedha wangu. Simeoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba. Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe. Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri. Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako. Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye. Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa. Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka. Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni. Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai; Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo. Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi aIsiraeri. Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure. Ndakamirira ruponeso rwenyu imi Jehovha. Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo. Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe. Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka. Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro. Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga; asi uta hwake hwakaramba une simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko owaMasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri), Mwari wababa vako achakubatsira; waMasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro. Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake. Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba.” Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri aIsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake. Akavaraira, akati kwavari, “Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti, bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga; ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea; munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.” Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake.

Genesisi 49:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jakobho akakokorodza vanakomana vake akati, “Chiunganai pano mose ndikuudzei zvichazoitika kwamuri mune ramangwana. Unganai nuteerere imi vana Jakobho, munzwe zvandava kutaura ini Isiraeri baba wenyu. Rubheni, ndiwe dangwe rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, wandakabereka ndichiri kuzvinzwa. Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro. Unovhaira semvura iri kuvira, asi hauzovi mukuru nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba ukan'oresa pandinorara, uchitoenda zvako pauriri hwangu. “Simeoni naRevhi mukoma nomun'una, zvombo zvehondo zvavo ndezvokumutsisa musindo chete. Pabangano ravo handitsikipo, handina chandinoronga navo, nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa. Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo. Mwari ngaarange kutsamwa kwavo, nokuti kunotyisa. Ngaarange hasha dzavo nokuti dzinovaitisa utsinye. Ndichati mumwararire zvenyu muzvizvarwa zvaJakobho muti mwarara zvenyu mukati mavaIsiraeri. “Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako. Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira, vana vababa vako vachakugwadamira. Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa. Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha. Haazotorerwa nyembe youmambo, kusvikira muridzi wenyembe asvika. Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera. Achasungirira dhongi rake pamugirepisi achasungirira chigondora chake chedhongi pamugirepisi wakanaka kwazvo, hanzu dzake achisuka zvake muwaini, zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka. Meso ake achatsvuka kunge waini, meno ake agochena kuti mbe-e somukaka. “Zebhuruni achava mugari wokumahombekombe kwegungwa. Nyika yake ichava yokusvikira ngarava, muganhu wake uchisvika kuSidhoni. “Isakari idhongi chairo kusimba, sedhongi riri pakati pemitoro yaro. Paachaona kuti agere panyika yakanaka nyika inomufadza kwazvo, achabvuma zvake kutakura mutoro pamapfudzi. “Dhani achavawo mutongi wavanhu vake, sezvichangoitawo mamwe madzinza evaIsiraeri. Dhani achaita senyoka iri panzira, senyoka inouturu iri panofamba vanhu, inoruma bhiza nechepazondo raro, mutasvi waro achiwira pasi negotsi. Tenzi we-e ini ndamirira ruponeso rwenyu. “Gadhi acharwiswa namagandanga, asi iye achatsikirirana nawo kutevera. “Asheru achawana zvokudya, zvokudya zvakawanda zvakanaka, zvinotodyiwawo kwazvo namadzimambo. “Nafutariwo ungati isheshe yenondo inotamba-tamba zvayo, inoberekawo mhuru dzakanaka. “Josefi akaita sembizi imire pachisipiti, ungati imbizi iri mujinga megomo. “Mhandu dzake dzinomurwisa zvinotyisa, dzichimudzingirira nouta nemiseve. Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa. Maoko ake achiramba akasimbaradzwa, nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri. Mwari wababa vako ngaakubatsire, iye Aripagomo akukomborere. Akukomborere nokukunayisira mvura, akupewo mvura inobva muvhu. Ngaakomborere madzimai enyu agobereka vana vavanozoyamwisa, akomborerewo zvipfuwo zvenyu zvigobereka vana vokuyamwisa. “Makomborero andakupa ini baba vako anopfuura makomborero anobva mumakomo epasi chigare. Anopfuura zvinokosha zviri mumakomo okugara nokugara. Ndiwo makomborero achava aJosefi, akasarudzwa naMwari kutungamirira vakoma vake. “Bhenjamini mhumhi chaiyo inorura, inobata nyama mangwanani, manheru yogara pasi kuigovanisa.” Iwaya ose ndiwo madzinza gumi namaviri evaIsiraeri. Mashoko aya ndiwo akataurwa nababa wavo achivakomborera, achipa mumwe nomumwe chikomborero chakakodzerana naye. Jakobho akazorongera vana vake achiti, “Nguva yangu yokuti ndichiendawo kwakaenda vamwe vokwangu yava kusvika. Munofanira kuzondiviga pane madzibaba angu, mubako riya riri mugura raEfuroni worudzi rwechiHiti.” Ndiro bako riya riri mugura kuMakipera riri nechokumabvazuva kweMamure, munyika yeKanani, rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda wacho kuna vaEfuroni muHiti ikava nzvimbo yavo yokuviga vanhu. Ipapo ndipo pakavigwa Abhurahamu nomudzimai wake Sara. Isaki nomudzimai wake Ribheka vakavigwawo ipapo. Rea ndakazomuvigwawo ipapo. Munda wacho nebako ririmo zvakatengwa kuvaHiti. Kuzoti Jakobho apedza kurongera vana vake akarara pamubhedha wake, ndiye sarai oendawo kwakaenda vamwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 49

Genesisi 49:1-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jakobo wakaɗana ʋanakomana ʋake, akati: Ʋuŋganai, ndikuʋudzei ɀamucaitirwa namazuʋa anoteʋera. Ʋuŋganai, munzwe, imi ʋanakomana ʋaJakobo, Tererai Israeri, ɓaɓa ʋenyu. Rubeni, iwe uri ɗaŋgwe raŋgu, simba raŋgu, nokutaŋga kwesimba raŋgu; Ʋukuru bgokukudzwa, noʋukuru bgesimba; Unotutuma semvura, hauŋgaʋi noʋukuru; Nokuti wakakwira kuʋuʋato bgaɓaɓa ʋako, Ukaʋuȿiɓisa; wakakwira kumubeda waŋgu. Simeoni naRevi ʋana ʋamai ʋamŋe; Minondo yaʋo inhumbi dzokurwa nesimba. Mŋeya waŋgu, rega kupinda pakuraŋgana kwaʋo, Kukudzwa kwaŋgu, rega kusoŋganiswa neʋuŋgano dzaʋo; Nokuti pakutsamŋa kwaʋo ʋakaʋuraya ʋanhu, Nokuɗa kwaʋo ʋakagura marunda eŋombe. Kutsamŋa kwaʋo ŋgakutukwe, nokuti kwakaŋga kuri kukuru; Nehasha dzaʋo, nokuti dzakaŋga dzakaipa; Ndicaʋaparadzanisa pakati paJakobo, Nokuʋaparadzira pakati paIsraeri. Iwe Juda, ucarumbidzwa nehama dzako; Ruʋoko rwako rucaʋa pamitsipa yaʋaʋeŋgi ʋako, Ʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋacakotamira pamberi pako. Juda mŋana weshumba; Iwe mŋanakomana waŋgu, wakwira ucibva paneɀakaʋurawa; Wakakotama, wakanyaŋga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa? Tȿimbo yoʋushe haiŋgabvi kunaJuda, Kana muɗonɀo womuɓati pakati petsoka dzake, Kuȿikira Shiro aʋuya; Ndudzi dzose dzaʋanhu dzicamuerera iye. Unosuŋgira mboŋgoro yake pamuzambiriŋga, Nomŋana wemboŋgoro yake pamuzambiriŋga wakaiȿo‐naka; Wakasuka ŋguʋo dzake newaini, Neɀokufuka ɀake muropa ramazambiriŋga Meso ake acatȿuka newaini, Meno ake acacena nomukaka. Zeburuni ucagara pamhenderekedzo dzeguŋgwa; Iye ucaʋa mhenderekedzo panopinda ɀikepe; Muganhu wake ucaȿika paZidoni. Isakari imboŋgoro inesimba, Inoʋata pasi pakati pamataŋga amakwai; Akaʋona zororo kuti rakanaka. Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, Akaʋa muɓatiri wecibaro. Dani ucatoŋga mhaka dzaʋanhu ʋake, Sorumŋe rwamarudzi aIsraeri. Dani ucaʋa senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma ɀitsitsinho ɀebiza; Kuti mutaȿi waro awire pasi neshure. Ndakamirira ruponeso rwenyu, imi Jehova. Gadi ucaʋambga nehondo, Asi iye ucaʋaʋamba paɀitsitsinho ɀaʋo. Asheri ucaʋa neɀokudya ɀakakora; Iye ucaʋuya neɀinonaka ɀinofanira madzishe. Naftari ishece yemhembge yakasunuŋguka, Unotaura mashoko akanaka. Josefa iɗaʋi rinoɓereka, Iɗaʋi rinoɓereka patsime; Mataʋi ake anoɗarika madziro. Ʋafuri noʋuta ʋakamutambudza kwaɀo, Ʋakamufura, ʋakamuʋeŋga; Asi ʋuta bgake bgakaramba ʋunesimba, Maʋoko eɀanza ɀake akasimbiswa Namaʋoko oWamasimba ose waJakobo, (Ndi’po panobva Mufudzi, neBge raIsraeri), Mŋari waɓaɓa ʋako ucakuɓatsira; Wamasimba ose, ucakuropafadza Neropafadzo dzinobva kuɗeŋga kumsoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzeciɀaro. Ropafadzo dzaɓaɓa ʋako Dzinopfuʋura ropafadzo dzamateteguru aŋgu, Kuȿikira kumugumo wamakomo asiŋgaperi; Dzicagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye wakaŋga ari mucinda pakati pehama dzake. Benjamini iɓere rinoparadza; Maŋgwanani ucadya cakaʋurawa, Maɗeko ucagoʋera ɀaakapamba. Aʋa ʋose ndiwo marudzi anegumi namaʋiri aIsraeri; ndiɀo ɀakataura ɓaɓa ʋaʋo kwaʋari, akaʋaropafadza; ʋakaropafadza mumŋe nomumŋe nokuropafadzwa kwake. Akaʋaraira, akati kwaʋari: Ini ndobva ndosoŋganiswa naʋanhu ʋaŋgu; mundondiʋiga kunamadziɓaɓa aŋgu, muɓako riri mumunda waEfroni, muHeti, ɓako riri mumunda weMakpera, pakatarisana neMamre, panyika yeKanani, riya rakateŋgwa naAbrahama pamŋe cete nomunda kunaEfroni, muHeti, kuti ɀiʋe ɀake, iʋe nɀimbo yake yokuʋiga; ndi’po paʋakaʋiga Abrahama naSara, mukadzi wake; ndi’po paʋakaʋiga Isaka naRebeka, mukadzi wake; ndi’po pandakaʋiga Rea; munda uya neɓako riri mukati mawo, ɀakateŋgwa kuʋana ʋaHeti. Ɀino Jakobo wakati apedza kuraira ʋanakomana ʋake, akadzosera tsoka dzake paʋuʋato, mŋeya wake ukaɓuɗa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake.