Mavambo 49
49
Mazwi aJakobho okupedzisira
1Jakobho akakokorodza vanakomana vake akati,
“Chiunganai pano mose ndikuudzei
zvichazoitika kwamuri mune ramangwana.
2Unganai nuteerere imi vana Jakobho,
munzwe zvandava kutaura ini Isiraeri baba wenyu.
3Rubheni, ndiwe dangwe rangu,
chiratidzo chokutanga chesimba rangu,
wandakabereka ndichiri kuzvinzwa.
Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro.
4Unovhaira semvura iri kuvira,
asi hauzovi mukuru
nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba
ukan'oresa pandinorara,
uchitoenda zvako pauriri hwangu.
5“Simeoni naRevhi mukoma nomun'una,
zvombo zvehondo zvavo ndezvokumutsisa musindo chete.
6Pabangano ravo handitsikipo,
handina chandinoronga navo,
nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa.
Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo.
7Mwari ngaarange kutsamwa kwavo,
nokuti kunotyisa.
Ngaarange hasha dzavo
nokuti dzinovaitisa utsinye.
Ndichati mumwararire zvenyu muzvizvarwa zvaJakobho
muti mwarara zvenyu mukati mavaIsiraeri.
8“Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako.
Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira,
vana vababa vako vachakugwadamira.
9Judha mwana weshumba chaiyo,
anobata nyama achibva adzokera kubako rake,
ondozorora zvake akazvambarara.
Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa.
10Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha.
Haazotorerwa nyembe youmambo,
kusvikira muridzi wenyembe asvika.
Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera.
11Achasungirira dhongi rake pamugirepisi
achasungirira chigondora chake chedhongi
pamugirepisi wakanaka kwazvo,
hanzu dzake achisuka zvake muwaini,
zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka.
12Meso ake achatsvuka kunge waini,
meno ake agochena kuti mbe-e somukaka.
13“Zebhuruni achava mugari wokumahombekombe kwegungwa.
Nyika yake ichava yokusvikira ngarava,
muganhu wake uchisvika kuSidhoni.
14“Isakari idhongi chairo kusimba,
sedhongi riri pakati pemitoro yaro.
15Paachaona kuti agere panyika yakanaka
nyika inomufadza kwazvo,
achabvuma zvake kutakura mutoro pamapfudzi.
16“Dhani achavawo mutongi wavanhu vake,
sezvichangoitawo mamwe madzinza evaIsiraeri.
17Dhani achaita senyoka iri panzira,
senyoka inouturu iri panofamba vanhu,
inoruma bhiza nechepazondo raro,
mutasvi waro achiwira pasi negotsi.
18Tenzi we-e ini ndamirira ruponeso rwenyu.
19“Gadhi acharwiswa namagandanga,
asi iye achatsikirirana nawo kutevera.
20“Asheru achawana zvokudya,
zvokudya zvakawanda zvakanaka,
zvinotodyiwawo kwazvo namadzimambo.
21“Nafutariwo ungati isheshe yenondo
inotamba-tamba zvayo,
inoberekawo mhuru dzakanaka.
22“Josefi akaita sembizi imire pachisipiti,
ungati imbizi iri mujinga megomo.#49:22 megomo: MuchiHebheru mutsara iwoyu unoti, Josefi akaita semuti umire pachisipiti, kana kuti semuti unotanda nepamadziro.
23“Mhandu dzake dzinomurwisa zvinotyisa,
dzichimudzingirira nouta nemiseve.
24Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa.
Maoko ake achiramba akasimbaradzwa,
nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho
ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri.
25Mwari wababa vako ngaakubatsire,
iye Aripagomo akukomborere.
Akukomborere nokukunayisira mvura,
akupewo mvura inobva muvhu.
Ngaakomborere madzimai enyu
agobereka vana vavanozoyamwisa,
akomborerewo zvipfuwo zvenyu
zvigobereka vana vokuyamwisa.
26“Makomborero andakupa ini baba vako
anopfuura makomborero anobva mumakomo epasi chigare.
Anopfuura zvinokosha zviri mumakomo okugara nokugara.#49:26 nokugara: MuchiHebheru mazwi okuti makomo epasi chigare anoreva kuti madzitateguru angu.
Ndiwo makomborero achava aJosefi,
akasarudzwa naMwari kutungamirira vakoma vake.
27“Bhenjamini mhumhi chaiyo inorura,
inobata nyama mangwanani,
manheru yogara pasi kuigovanisa.”
28Iwaya ose ndiwo madzinza gumi namaviri evaIsiraeri. Mashoko aya ndiwo akataurwa nababa wavo achivakomborera, achipa mumwe nomumwe chikomborero chakakodzerana naye.
Kufa kwaJakobho nokuvigwa kwake
29Jakobho akazorongera vana vake achiti, “Nguva yangu yokuti ndichiendawo kwakaenda vamwe vokwangu yava kusvika. Munofanira kuzondiviga pane madzibaba angu, mubako riya riri mugura raEfuroni worudzi rwechiHiti.” 30Ndiro bako riya riri mugura kuMakipera riri nechokumabvazuva kweMamure, munyika yeKanani, rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda wacho kuna vaEfuroni muHiti ikava nzvimbo yavo yokuviga vanhu. 31Ipapo ndipo pakavigwa Abhurahamu nomudzimai wake Sara. Isaki nomudzimai wake Ribheka vakavigwawo ipapo. Rea ndakazomuvigwawo ipapo. 32Munda wacho nebako ririmo zvakatengwa kuvaHiti. 33Kuzoti Jakobho apedza kurongera vana vake akarara pamubhedha wake, ndiye sarai oendawo kwakaenda vamwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 49: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.