Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro. Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku,
akati, “Jakobho! Jakobho!”
Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Akati, “Ndini Mwari,
iye Mwari wababa vako;
usatya hako kuburukira Ijipiti;
nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
ndichaburukira Ijipiti newe,
ndigokudzosazve zvirokwazvo;
Josefa ndiye achatsika meso ako.”
Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure. Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye; vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti.
Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho. Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami. Navanakomana vaSimeoni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani. Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari. Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori. Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni. Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri. Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri. Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri. Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu.
Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini. Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeIjipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni. Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi. Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana.
Navanakomana vaDhani: Hushimi. Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.
Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu. Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru. Isiraeri akati kuna Josefa, “Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.”
Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba vababa vake, “Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, ‘Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri’; varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo. Zvino kana modanwa naFarao, akati, ‘Basa renyu nderei?’ Muti, ‘Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;’ kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti.”