Genesisi 46:1-34
Genesisi 46:1-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka. Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko. Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.” Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure. Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti. Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho. Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami. Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete. Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri. Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete. Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini. MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni. Vanakomana vaBhenjamini vaiva: Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete. Mwanakomana waDhani aiva: Hushimi. Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete. Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda. Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete. Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni, Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu. Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.” Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri. Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’ Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’ imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”
Genesisi 46:1-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro. Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko; ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa ndiye achatsika meso ako.” Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure. Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye; vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti. Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho. Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami. Navanakomana vaSimeoni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani. Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari. Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori. Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni. Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri. Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu. Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri. Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri. Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu. Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini. Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeIjipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni. Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi. Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana. Navanakomana vaDhani: Hushimi. Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe. Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu. Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe. Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru. Isiraeri akati kuna Josefa, “Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.” Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba vababa vake, “Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, ‘Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri’; varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo. Zvino kana modanwa naFarao, akati, ‘Basa renyu nderei?’ Muti, ‘Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;’ kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti.”
Genesisi 46:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake. Usiku ihwohwo Mwari akaratidza Jakobho chiratidzo, akamudaidza achiti, “Jakobho Jakobho!” Jakobho akati, “Ndiri pano.” Mwari ndokuti, “Ndini Mwari, Mwari wababa vako. Usatye hako kuenda kuIjipiti nokuti vana vako ndichavaita rudzi rukuru ikoko. Ndichaenda newe kuIjipiti, ndichazodzosazve vana vako kuno. Pakufa kwako Josefi ndiye achakudzora maziso achikupeta.” Jakobho akabva kuBheerishebha ndokupinda munzira. Vana vaJakobho vakakwidza baba wavo pamwechete namadzimai avo navana vavo mungoro dzakanga dzatumirwa naFarao kundovatakura. Vakaenda nezvipfuwo zvavo noupfumi hwose hwavakanga vawana munyika yeKanani, vakandosvika kuIjipiti. Jakobho akasvikako nemhuri yake yose, aine vana vake vakomana navasikana navazukuru vake vakomana navasikana. Akaenda nemhuri yake yose kuIjipiti. Haanoi mazita avana vaIsiraeri, Jakobho navanakomana vake vaakasvika navo kuIjipiti. Dangwe raJakobho ndiRubheni. Vanakomana vaRubheni ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi. Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauru mwana womukadzi wechiKanani. Vanakomana vaRevhi ndiGerishoni naKohati naMerari. Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera naFerezi naZera. Asi Eru naOnani vakafira kunyika yeKanani. Vanakomana vaFerezi ndiHezironi naHamuri. Vanakomana vaIsakari ndiTora naPuwa naJobhu naShimuroni. Vanakomana vaZebhuruni ndiSeredhi naEroni naJahireeri. Ivava ndivo vanakomana vaRea vaakaberekera Jakobho achiri kuMesopotamia. Rea akaberekawo mwanasikana ainzi Dhina. Vana vaRea navazukuru vake vaiva makumi matatu navatatu. Vanakomana vaGadhi ndiZefoni naHagi naShuni naEzibhoni naEri naArodhi naAreri. Vanakomana vaAsheru ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheria nehanzvadzi yavo Sera. Vanakomana vaBheria ndiHebheru naMarikieri. Ava ndivo vana navazukuru vaZiripa, uya akapiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake. Ziripa akaberekera Jakobho vana navazukuru gumi navatanhatu. Zvino vanakomana vaRakeri mudzimai waJakobho ndiJosefi naBhenjamini. Josefi ava munyika yeIjipiti akabereka Manase naEfuremu. Amai vavo ndiAsinati mwana waPotifera mupristi aigara muguta reOni. Vanakomana vaBhenjamini ndiBhera naBhekeri naAshibheri naJera kwouya Naamani naEhi naRoshi naMupimu naHupimu naAridhi. Ava ndivo vana navazukuru vaRakeri mudzimai waJakobho vose vari gumi navana. Mwanakomana waDhani ndiHushimu. Vanakomana vaNafutari ndiJazieri naJuni naJezeri naShiremu. Ivava ndivo vana vaBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake. Vose pamwechete akaberekera Jakobho vana vanomwe. Vanhu vose vokwaJakobho vakaenda Ijipiti, zvizvarwa zvake zvaiva makumi matanhatu ane vatanhatu kusingaverengwi varoora vaJakobho. Vanakomana vaJosefi vakaberekerwa kuIjipiti vaviri. Saka vanhu vose vemba yaJakobho vakatanga kugara muIjipiti vaiva makumi manomwe. Jakobho akafanotuma Judha kuna Josefi achiti Josefi azondosangana navo kuGosheni ndokubva vaenda zvavo kudunhu reGosheni. Ipapo Josefi akapinda mungoro yake akaenda kuGosheni kundochingura baba vake, Isiraeri. Akasvikoona baba vake akatora nguva ndefu akavambundira achihwihwidza kuchema. Isiraeri akazoti kunaJosefi, “Zvino ndingachifa zvangu nokuti ndakuona uri mupenyu!” Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’ Basa rehama dzangu idzodzo nderokupfuwa zvipfuwo. Zvino vauya nemombe nezvimwe zvipfuwo zvavo nezvose zvavaiva nazvo. Kana imi mazodaidzwa naFarao achikubvunzai kuti, ‘Basa renyu ndereiko?’ Imi itii, ‘Isu varanda venyu takagara tichingova vanhu vokupfuwa zvipfuwo kubvira pahuduku hwedu kusvikira zvino iyesu tose namadzibaba edu.’ Kana madaro Farao achakubvumirai kugara mudunhu reGosheni,” nokuti vaIjipiti vakanga vakarimirana kumuganho nomunhu wose anoita basa rokupfuwa zvipfuwo.
Genesisi 46:1-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Israeri wakabva neɀose ɀaakaŋga anaɀo, akaȿika Beeri‐sheba, akaɓayira Mŋari waɓaɓa ʋake Isaka ɀiɓayiro. Mŋari akataura naIsraeri neɀiratidzo ʋusiku, akati: Jakobo! Jakobo! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ndini Mŋari, iye Mŋari waɓaɓa ʋako; usatya hako kuɓurukira Egipita; nokuti ndicakuita rudzi rukuru ikoko; ndicaɓurukira Egipita newe, ndigokudzosa ɀe ɀirokwaɀo; Josefa ndiye ucatsika meso ako. Jakobo akasimuka, akabva Beeri‐sheba; ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakatakura Jakobo, ɓaɓa ʋaʋo, naʋana ʋaʋo ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaʋo, neŋgoro dzakaŋga dzatumŋa naFarao kuti dziʋatakure. Ʋakatora ŋombe dzaʋo nenhumbi dzaʋo dzaʋakaŋga ʋawana munyika yeKanani, ʋakaȿika Egipita, Jakobo naʋanakomana ʋake ʋose pamŋe cete naye; ʋanakomana ʋake, naʋana ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye, naʋakunda, ʋake, naʋakunda ʋaʋanakomana ʋake, naʋose ʋorudzi rwake, ʋakaenda naʋo Egipita. Ndiwo mazita aʋana ʋaIsraeri ʋakaȿika Egipita: Jakobo, naʋanakomana ʋake, ʋaiti: Rubeni, ɗaŋgwe raJakobo. Naʋanakomana ʋaRubeni: Hanoki, naParu, naHezroni, naKarmi. Naʋanakomana ʋaSimeoni: Jemueri, naJamini, naOhadi, naJakini, naZohari, naShauri, waiʋa mŋanakomana womukadzi weKanani. Naʋanakomana ʋaRevi: Gershoni, naKohati, naMerari. Naʋanakomana ʋaJuda: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani ʋakafira panyika yeKanani. Ʋanakomana ʋaPerezi ʋaiʋa Hezroni, naHamuri. Naʋanakomana ʋaIsakari: Tora, naPuva, naJobo, naShimroni. Naʋanakomana ʋaZeburuni: Seredi, naEroni, naJareeri. Ndiʋo ʋanakomana ʋaRea, ʋaakaɓerekera Jakobo paPadani‐arami, nomukunda wake Dina; ʋanakomana ʋake naʋakunda ʋake ʋose ʋaiʋa ʋanhu ʋanamakumi matatu naʋatatu. Naʋanakomana ʋaGadi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzboni, naEri, naArodi, naAreri. Naʋanakomana ʋaAsheri: Imna, naIshva, naIshvi, naBeria, naSera, hanɀadzi yaʋo; naʋanakomana ʋaBeria ʋaiʋa Heberi, naMarkieri. Ndiʋo ʋanakomana ʋaZirpa, Rabani waakapa Rea, mukunda wake; wakaɓerekera Jakobo ʋanhu aʋa ʋanegumi naʋatanhatu. Ʋanakomana ʋaRakeri, mukadzi waJakobo, ʋaiʋa Josefa naBenjamini. Josefa akaɓerekerwa Manase naEfraimi panyika yeEgipita, ndiʋo ʋaakaɓerekerwa naAsenati, mukunda waPotifera, muprista weOni. Naʋanakomana ʋaBenjamini: Bera, naBekeri, naAshberi naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naArdi. Ndiʋo ʋanakomana ʋaRakeri, ʋakaɓerekerwa Jakobo; ʋose ʋaiʋa ʋanegumi naʋanna. Naʋanakomana ʋaDani: Hushimi Naʋanakomana ʋaNaftari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi. Ndiʋo ʋanakomana ʋaBirha, Rabani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndiʋo ʋaakaɓerekera Jakobo; ʋose ʋaiʋa ʋanomŋe. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya naJakobo Egipita, ʋakaŋga ʋaɓuɗa paciʋuno cake, ʋakadzi ʋaʋanakomana ʋaJakobo ʋasiŋgaʋereŋgwi, ʋose ʋaiʋa ʋanhu ʋanamakumi matanhatu naʋatanhatu. Ʋanakomana ʋaJosefa ʋaakaŋga aɓerekerwa Egipita ʋaiʋa ʋanhu ʋaʋiri; ʋose ʋeimba yaJakobo, ʋakaʋuya Egipita, ʋaiʋa ʋanhu ʋanamakumi manomŋe. Akatuma Juda pamberi pake kunaJosefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni. Ipapo Josefa akagadzira ŋgoro yake, akakwira Gosheni, kundosoŋgana naIsraeri, ɓaɓa ʋake; akaɀiziʋisa kwaʋari, akawira pamutsipa waʋo, akacema pamutsipa waʋo ŋguʋa huru. Israeri akati kunaJosefa: Ɀino ŋgandicifa haŋgu, nokuti ndaʋona ciso cako, kuti uciri mupenyu. Ɀino Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake naʋeimba yaɓaɓa ʋake: Ini ndicakwira kundoʋudza Farao, ndiciti kwaari: Ʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu, naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu, ʋaigara kunyika yeKanani, ʋaȿika kwandiri; ʋarume aʋa ʋafudzi, nokuti ʋaipfuwa ɀipfuwo; ʋaʋuya namakwai aʋo, neŋombe dzaʋo, neɀose ɀaʋanaɀo. Ɀino kana moɗanwa naFarao, akati: Ƃasa renyu nderei? Muti: Ʋaranda ʋenyu ʋaiʋa ʋapfuwi ʋeɀipfuwo kubva paʋucece bgeɗu kuȿikira ɀino, isu namadziɓaɓa eɗu; kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti ʋafudzi ʋose ʋanonyaŋgadza ʋaEgipita.
Genesisi 46:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)