Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 46:1-34

Mavambo 46:1-34 SCLBD

Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake. Usiku ihwohwo Mwari akaratidza Jakobho chiratidzo, akamudaidza achiti, “Jakobho Jakobho!” Jakobho akati, “Ndiri pano.” Mwari ndokuti, “Ndini Mwari, Mwari wababa vako. Usatye hako kuenda kuIjipiti nokuti vana vako ndichavaita rudzi rukuru ikoko. Ndichaenda newe kuIjipiti, ndichazodzosazve vana vako kuno. Pakufa kwako Josefi ndiye achakudzora maziso achikupeta.” Jakobho akabva kuBheerishebha ndokupinda munzira. Vana vaJakobho vakakwidza baba wavo pamwechete namadzimai avo navana vavo mungoro dzakanga dzatumirwa naFarao kundovatakura. Vakaenda nezvipfuwo zvavo noupfumi hwose hwavakanga vawana munyika yeKanani, vakandosvika kuIjipiti. Jakobho akasvikako nemhuri yake yose, aine vana vake vakomana navasikana navazukuru vake vakomana navasikana. Akaenda nemhuri yake yose kuIjipiti. Haanoi mazita avana vaIsiraeri, Jakobho navanakomana vake vaakasvika navo kuIjipiti. Dangwe raJakobho ndiRubheni. Vanakomana vaRubheni ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi. Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauru mwana womukadzi wechiKanani. Vanakomana vaRevhi ndiGerishoni naKohati naMerari. Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera naFerezi naZera. Asi Eru naOnani vakafira kunyika yeKanani. Vanakomana vaFerezi ndiHezironi naHamuri. Vanakomana vaIsakari ndiTora naPuwa naJobhu naShimuroni. Vanakomana vaZebhuruni ndiSeredhi naEroni naJahireeri. Ivava ndivo vanakomana vaRea vaakaberekera Jakobho achiri kuMesopotamia. Rea akaberekawo mwanasikana ainzi Dhina. Vana vaRea navazukuru vake vaiva makumi matatu navatatu. Vanakomana vaGadhi ndiZefoni naHagi naShuni naEzibhoni naEri naArodhi naAreri. Vanakomana vaAsheru ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheria nehanzvadzi yavo Sera. Vanakomana vaBheria ndiHebheru naMarikieri. Ava ndivo vana navazukuru vaZiripa, uya akapiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake. Ziripa akaberekera Jakobho vana navazukuru gumi navatanhatu. Zvino vanakomana vaRakeri mudzimai waJakobho ndiJosefi naBhenjamini. Josefi ava munyika yeIjipiti akabereka Manase naEfuremu. Amai vavo ndiAsinati mwana waPotifera mupristi aigara muguta reOni. Vanakomana vaBhenjamini ndiBhera naBhekeri naAshibheri naJera kwouya Naamani naEhi naRoshi naMupimu naHupimu naAridhi. Ava ndivo vana navazukuru vaRakeri mudzimai waJakobho vose vari gumi navana. Mwanakomana waDhani ndiHushimu. Vanakomana vaNafutari ndiJazieri naJuni naJezeri naShiremu. Ivava ndivo vana vaBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake. Vose pamwechete akaberekera Jakobho vana vanomwe. Vanhu vose vokwaJakobho vakaenda Ijipiti, zvizvarwa zvake zvaiva makumi matanhatu ane vatanhatu kusingaverengwi varoora vaJakobho. Vanakomana vaJosefi vakaberekerwa kuIjipiti vaviri. Saka vanhu vose vemba yaJakobho vakatanga kugara muIjipiti vaiva makumi manomwe. Jakobho akafanotuma Judha kuna Josefi achiti Josefi azondosangana navo kuGosheni ndokubva vaenda zvavo kudunhu reGosheni. Ipapo Josefi akapinda mungoro yake akaenda kuGosheni kundochingura baba vake, Isiraeri. Akasvikoona baba vake akatora nguva ndefu akavambundira achihwihwidza kuchema. Isiraeri akazoti kunaJosefi, “Zvino ndingachifa zvangu nokuti ndakuona uri mupenyu!” Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’ Basa rehama dzangu idzodzo nderokupfuwa zvipfuwo. Zvino vauya nemombe nezvimwe zvipfuwo zvavo nezvose zvavaiva nazvo. Kana imi mazodaidzwa naFarao achikubvunzai kuti, ‘Basa renyu ndereiko?’ Imi itii, ‘Isu varanda venyu takagara tichingova vanhu vokupfuwa zvipfuwo kubvira pahuduku hwedu kusvikira zvino iyesu tose namadzibaba edu.’ Kana madaro Farao achakubvumirai kugara mudunhu reGosheni,” nokuti vaIjipiti vakanga vakarimirana kumuganho nomunhu wose anoita basa rokupfuwa zvipfuwo.

Verenga chikamu Mavambo 46