Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti. Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti. Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda. Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya.
Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso. Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, “Vata neni.” Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, “Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu; hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze.