Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 39:1-12

Genesisi 39:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Josefa akanga atorwa akaendeswa kuIjipiti. Potifa muIjipita uyo akanga ari mumwe wamachinda aFaro ari mukuru wavarindi, akamutenga kuvaIshumaeri avo vakanga vamuendesa ikoko. Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake. Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita kuti abudirire muzvinhu zvose zvaakanga achiita, Josefa akawana nyasha pamberi pake uye akava mubatiri wake. Potifa akamuita kuti ave mutariri weimba yake, uye akamuita muchengeti wezvinhu zvose zvakanga zviri zvake. Kubvira panguva yaakamuisa kuti ave mutariri weimba yake nowezvinhu zvose zvaaiva nazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipita nokuda kwaJosefa. Maropafadzo aJehovha akanga ari pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zviri zvaPotifa, zvose mumba nomumunda. Saka akaisa mumaoko aJosefa zvinhu zvose zvaakanga anazvo; Josefa ari mutariri, iye haana kumbova nehanya nezvimwe zvinhu kunze kwezvokudya zvaaidya bedzi. Zvino Josefa akanga akanyatsoumbwa, akanaka, uye shure kwechinguva mukadzi watenzi wake akatarira Josefa ndokubva ati kwaari, “Uya uzovata neni!” Asi akaramba. Akati kwaari, “Ini somutariri, tenzi wangu haana kuva nehanya nezvinhu zvose zviri mumba make; zvose zvaanazvo, akazviisa mumaoko angu. Hamuna munhu mukuru muno mumba kupfuura ini. Tenzi wangu havana kundinyima kana chinhu chimwe zvacho kunze kwenyu, nokuti imi muri mukadzi wavo. Zvino ndingaitirei chinhu chakaipa kudai uye ndichitadzira Mwari?” Uye kunyange zvake aitaura naJosefa zuva nezuva, iye akaramba kuenda panhoo naye, kana kutombova naye. Rimwe zuva akapinda mumba kuti andoita mabasa ake, uye kwakanga kusina mumwe wavashandi vomumba aivamo. Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 39

Genesisi 39:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti. Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti. Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda. Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso. Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, “Vata neni.” Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, “Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu; hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 39

Genesisi 39:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vanhu vechiIshimaeri vaye vakaenda naJosefi kuIjipiti. Akatengwa nomuIjipiti ainzi Potifari kuvaIshimaeri vainge vadzika ikoko. Potifari aiva jinda raFarao ari mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo. Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti. Potifari akaona kuti Tenzi akanga aina Josefi. Akaonawo kuti Tenzi ndiye aibatsira Josefi pazvinhu zvose zvaaiita, kuti zvibudirire. Potifari akafadzwa naJosefi. Akamuita mutariri wezvemba yake zvose, akaturirawo mumaoko ake zvose zvaaiva nazvo. Kubva panguva iyoyo yaakamuita mutariri wezvemba yake zvose, nezvose zvaaiva nazvo, Tenzi akakomborera mhuri yaPotifari pamusana paJosefi. Tenzi akakomborerawo upfumi hwake hwose hwaiva mumusha nehwaiva muminda. Naizvozvo akaisa zvinhu zvake zvose mumaoko aJosefi. Nokudaro Potifari zvaaiva naye kudai akanga asisazvinetse nokufunga chokuita kusara kwezvokudya zvake chete. Josefi akanga ane chimiro chakanaka, aine chiso chakarurama. Gare gare mudzimai waPotifari akachiva Josefi, akamukumbira kuti aite chakaipa naye. Asi Josefi akaramba akati kumudzimai watenzi wake, “Tarisai muone, tenzi wangu aineni kudai, hapana chinhu chaanombozvinetsa nacho mumba, uye vakaisa zvinhu zvose zvavanazvo mumaoko angu. Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?” Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye. Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 39

Genesisi 39:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Josefa wakaŋga aɓurusirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mukuru waʋarindi, muEgipita, akamuteŋga pamaʋoko aʋaIshmaeri, ʋakaŋga ʋamuɓurusira Egipita. Jehova ɀino wakaŋga anaJosefa, akaramba acikwirira; akagara mumba matenzi wake, muEgipita. Tenzi wake akaʋona kuti Jehova unaye, ʋuye kuti Jehova wakafambisa ɀakanaka ɀose ɀaaiita namaʋoko ake. Josefa akawana nyasha kwaari, akamuɓatira; iye akamuita mutariri weimba yake; ɀose ɀaakaŋga anaɀo akaɀiisa pamaʋoko ake. Ɀino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowaɀose ɀaakaŋga anaɀo, Jehova akaropafadza imba yomuEgipita nokuɗa kwaJosefa; kuropafadza kwaJehova kwakaŋga kuri pamsoro peɀose ɀaakaŋga anaɀo mumba nokumunda. Waisiya ɀose ɀaakaŋga anaɀo pamaʋoko aJosefa; iye anaye, haazairaŋgarira cinhu, asi ɀokudya ɀake ɀoga ɀaaidya. Ɀino Josefa wakaŋga anomuʋiri wakanaka, akanaka ʋo paciso. Ɀino shure kwaiɀoɀo mukadzi watenzi wake wakatarira Josefa, akati: Ʋata neni. Asi iye wakaramba, akati kumukadzi watenzi wake: Tarirai, nokuɗa kwaŋgu tenzi waŋgu haaraŋgariri ɀiri mumba, asi wakaisa ɀose ɀaanaɀo pamaʋoko aŋgu; hakunomukuru kwandiri paimba ino; haana‐kundidziʋisa cinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; ɀino ndiŋgaita seiko cinhu ici cakaipa ɀikuru nditadzire Mŋari? Ɀino wakati ataura naJosefa mazuʋa ose, iye asiŋgamutereri kuti aʋate naye, kana kuʋa naye, neŋguʋa iyo akapinda mumba kuti aɓate‐ɓasa rake; makaŋga musinaʋamŋe ʋarume ʋeimba imomo. Ipapo akamuɓata ŋguʋo yake, akati: Ʋata neni; iye akasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, akatiza, akaɓuɗa panze.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 39

Genesisi 39:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)