Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva. Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru. Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.
Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.”
Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.”
Akati kwavari, “Wakafara here?” Ivo vakati, “Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.”
Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.”
Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.”
Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo. Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake. Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo. Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka.
Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake. Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose. Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose. Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko.” Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso.
Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.”
Rabhani akati kwaari, “Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.” Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.” Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo. Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?”
Rabhani akati, “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti mun'una atange kuwaniswa, mukuru achigere. Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.”
Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake. Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve.
Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Rakeri akanga asingabereki. Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, “Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.” Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu;” akamutumidza zita rinonzi Simeoni. Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu;” naizvozvo zita rake rakanzi Revhi. Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha;” naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka.