Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 29:1-35

Genesisi 29:1-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva. Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru. Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime. Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.” Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.” Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.” Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.” Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.” Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi. Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake. Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri akachema zvikuru. Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake. Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi. Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.” Shure kwokugara kwake naye mwedzi wose, Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?” Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo. Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.” Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.” Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari. Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.” Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo. Asi akati ava madekwana, akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, Jakobho akavata naye. Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake. Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, hazvisirizvo here? Seiko mandinyengera?” Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa. Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.” Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake. Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake. Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe. Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki. Rea akava nemimba akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.” Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni. Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi. Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva. Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru. Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro. Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.” Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.” Akati kwavari, “Wakafara here?” Ivo vakati, “Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.” Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.” Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.” Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo. Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake. Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo. Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake. Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose. Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose. Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko.” Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso. Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.” Rabhani akati kwaari, “Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.” Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda. Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.” Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo. Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?” Rabhani akati, “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti mun'una atange kuwaniswa, mukuru achigere. Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.” Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake. Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve. Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Rakeri akanga asingabereki. Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, “Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.” Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu;” akamutumidza zita rinonzi Simeoni. Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu;” naizvozvo zita rake rakanzi Revhi. Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha;” naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jakobho akabvapo osumudzira rwendo rwake rwokuenda kunyika yavanhu vokumabvazuva. Akatarisa akaona tsime musango ndiye onei matanga matatu ehwai dzakanga dzirerepo zvadzo, ndopavainwisa zvipfuwo zvavo mvura. Pamuromo wetsime racho pakanga pane ibwe guru kwazvo. Vafudzi vaiti kana zvipfuwo zvavapo zvose, vaikungurutsa ibwe riya pamuromo wetsime, vopa hwai dzavo mvura yokunwa, vozodzosera ibwe riya pakare pamuromo wetsime. Jakobho akabvunza vafudzi kuti, “Ko, munobva kupiko nhai hama dzangu?” Vakati, “Tinobva kuHarani.” Jakobho ndokuti, “Ko munozivawo here Rabhani mwana wokwaNahori?” Ivo vakati, “Tinomuziva.” Akati kwavari, “Akadii zvake?” Ivo vakati, “Aripo zvake! Mwanasikana wake, Rakeri ndiye uyo ari kuuya nehwai uyo!” Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?” Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.” Achingunotaura kudaro navarume vaye, Rakeri akasvika nehwai dzababa vake nokuti ndiye aiva mufudzi wadzo. Jakobho akati achiona Rakeri mwana waRabhani, hanzvadzi yaamai vake, nehwai dzaRabhani sekuru vake, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, ndokupa hwai dzasekuru vake mvura yokunwa. Jakobho akatsvoda Rakeri achikwazisana naye, akaburitsa misodzi yokufara. Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake. Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose. Rabhani ndokuti, “Iwe uri hama yangu chaiyo! Tiri veropa rimwe chete!” Jakobho akagara nasekuru wake mwedzi wose. Rabhani akazoti kuna Jakobho, “Kunyange zvazvo uri hama yangu, ndopaungandishandire here pasina chaunowana? Chindiudza kuti ndokupawo pakadii.” Zvino Rabhani aiva navanasikana vake vaviri, mukuru ainzi Rea, muduku achinzi Rakeri. Rea aiva akatsvetsvereka maziso, asi Rakeri aiva tsvarakadenga yomusikana kunaka aino uso hunoyevedza. Jakobho aida Rakeri saka akati, “Ndichagara makore manomwe ndichiitira Rakeri mwanasikana wenyu muduku ugariri.” Rabhani ndokuti, “Zviri nani kuti ndimupe zvangu kwauri pane kumupa kune mumwewo murume.” Saka Jakobho akashanda makore manomwe achiitira Rakeri ugariri. Pamusana pokuti aimuda, Jakobho akaona makore acho semazuva mashomanana. Jakobho akazoti kuna Rabhani, “Chindipaiwo mukadzi wangu ndichipinda naye mumba nokuti mazuva atakatarirana akwana.” Rabhani akaita mabiko ndokukoka vanhu vomunharaunda iyoyo. Akati ava manheru, Rabhani akaenda naRea akandomupereka kuna Jakobho akabva azivana naye. Rabhani akapa muranda wake wechikadzi ainzi Ziripa kuna Rea kuti ave muranda wake. Kuzoti kwaedza, Jakobho akatarisa akaona kuti ndiRea. Jakobho akati kuna Rabhani, “Ko ndicho chiiko ichochi chamandiitira? Handiti Rakeri ndiye wandakaitira ugariri? Zvino mandinyengedzerei kudai?” Rabhani ndokuti, “Kuno kwedu hazviitwe kuti muduku aroorwe dangwe richigere. Chimbopedza zvako vhiki remabiko uina Rea, tigozoti tokupa Rakeri. Asi ndokunge wabvuma zvokumushandira mamwe makore manomwe.” Jakobho akabvuma akapedza svondo iroro naRea, Rabhani akazomupawo Rakeri kuti ave mudzimai wake. Rabhani akatora muranda wake wechikadzi ainzi Bhiriha akapa kuna Rakeri kuti ave muranda wake. Jakobho akazivanawo naRakeri. Zvakanga zviripo chaizvo ndezvokuti aida Rakeri kupinda Rea ndokusaka akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe zvakare. Tenzi akaona kuti Rea aivengwa ndokubva amupa mbereko, asi Rakeri akanga asina mbereko. Rea akava napamuviri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Rubheni achiti, “Tenzi aonawo nhamo yangu! Zvino murume wangu achandidawo kwazvo!” Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Tenzi anzwa kuti ndinovengwa saka andipazve mwana mukomana uyu.” Akamutumidza zita rokuti Simeoni. Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana akati, “Rwendo runo murume wangu achandida nokuti ndamuberekera vana vakomana ava vatatu.” Saka vakamutumidza zita rokuti Revhi. Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Zvino ndochirumbidza Tenzi.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ndokubva amira kubereka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jakobo akasimuka’po, akaenda kunyika yaʋanhu ʋamabvazuʋa. Akatarira, akaʋona tsime kusaŋgo, namapoka matatu amakwai aʋete pasi pariri; nokuti ʋainwisa mapoka aʋo patsime irero; pamuromo wetsime irero pakaŋga panebge guru. Ndipapo paiʋuŋgana mapoka ose; ɀino ʋaikuŋgurusa ibge pamuromo wetsime, ʋakanwisa makwai aʋo, ʋacidzosera ɀe ibge pamuromo wetsime paʋugaro bgaro; Jakobo akati kwaʋari: Hama dzaŋgu, mabvepiko — Iʋo ʋakati: Tabva Harani. Iye akati kwaʋari: Munoziʋa Rabani, mŋanakomana waNahori, here — Ʋakati: Tinomuziʋa. Akati kwaʋari: Wakafara here — Iʋo ʋakati: Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, woʋuya namakwai. Akati: Tarirai, aciri masikati makuru, ŋguʋa yokuʋuŋganidza ɀipfuwo icigere kuȿika; nwisai makwai, mugondoafudza. Iʋo ʋakati: Hatiŋgagoni kuȿikira mapoka ose aʋuŋganidzwa pamŋe cete, ibge rikakuŋguruswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai. Wakati acataura naʋo, Rakeri akaȿika namakwai aɓaɓa ʋake, nokuti ndiye waiʋa mufudzi wawo. Ɀino Jakobo wakati aciʋona Rakeri, mukunda waRabani, hanɀadzi yamai ʋake, Jakobo akasweɗera, akakuŋgurusa ibge pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabani, hanɀadzi yamai ʋake. Jakobo akaȿeta Rakeri, akacema kwaɀo. Jakobo akaʋudza Rakeri kuti iye ihama yaɓaɓa ʋake, mŋanakomana waRebeka ipapo iye akamhanya, akandoʋudza ɓaɓa ʋake. Rabani wakati anzwa mashoko aJakobo, mŋanakomana wehanɀadzi yake, akamhanya kundosoŋgana naye, akamumbundikira, akamuȿeta, akamuisa kumba kwake. Iye akaʋudza Rabani ɀinhu iɀo ɀose. Rabani akati kwaari: Ɀirokwaɀo uri fupa raŋgu nenyama yaŋgu. Akagara naye mŋedzi wose. Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Ko uŋgandiɓatira usiŋgapiwi muɓairo, nokuti uri hama yaŋgu here — Ndiʋudze kuti muɓairo wako uʋe weiko. Ɀino Rabani wakaŋga anaʋakunda ʋaʋiri; zita romukuru rakaŋga riri Rea, nezita romuɗuku Rakeri. Rea wakaŋga anameso akaneta, asi Rakeri wakaŋga akanaka kwaɀo pamuʋiri napaciso. Ɀino Jakobo wakaŋga aciɗa Rakeri, akati: Ndicakuɓatirai makore manomŋe pamsoro paRakeri, mukunda wenyu muɗuku. Rabani akati kwaari: Ɀirinani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumŋe murume; gara hako neni. Jakobo akamuɓatira makore manomŋe pamsoro paRakeri: asi akaʋa samazuʋa mashoma kwaari, nokuti wakaŋga acimuɗa. Ɀino Jakobo akati kunaRabani: Ndipei mukadzi waŋgu, nokuti mazuʋa aŋgu aȿika, kuti ndipinde kwaari. Rabani akakoka ʋanhu ʋose ʋo’ko, akaita mutambo. Ɀino kuzoti aʋa maɗeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. Rabani akapa Rea, mukunda wake, Zirpa, murandakadzi wake, kuti aʋe mushandiri wake. Ɀino maŋgwana akaʋona kuti ndiRea; akati kunaRabani: Cinyiko ici cawandiitira — Handina‐kukuɓatira pamsoro paRakeri here — Wandinyeŋgedzera seiko? Rabani akati: Hakunzarwo ʋuno kweɗu, kuti munuŋuna ataŋge kuwaniswa, mukuru acigere. Pedzisa viki yewaniso naiyeyi, tigokupa mumŋe ʋo pamsoro peɓasa raucandiɓatira mamŋe makore manomŋe ɀe. Jakobo akaita saiɀoɀo, akapedza viki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti aʋe mukadzi wake. Rabani akapa Rakeri, mukunda wake, Birha murandakadzi wake, kuti aʋe mushandiri wake. Akapinda ʋo kunaRakeri, akaɗa Rakeri ʋo kupfuʋura Rea, akamuɓatira mamŋe makore manomŋe ɀe. Ɀino Jehova wakaʋona kuti Rea wakaŋga asiŋgaɗikanwi, akamuɓerekesa; asi Rakeri wakaŋga asiŋgaɓereki. Rea akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubeni; nokuti wakati: Jehova wakaʋona ɗambudziko raŋgu; nokuti ɀino murume waŋgu ucandiɗa. Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akati: Jehova wakanzwa kuti handiɗikanwi, naiɀoɀo wakandipa ʋo uyu; akamutumidza zita rinonzi Simeoni. Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akati: Ɀino ŋguʋa ino murume waŋgu ucandinamatira, nokuti ndamuɓerekera ʋanakomana ʋatatu; naiɀoɀo zita rake rakanzi Revi. Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akati: Ŋguʋa ino ndicarumbidza Jehova; naiɀoɀo wakamutumidza zita rinonzi Juda; akaguma kuɓereka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 29

Genesisi 29:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)