Ipapo Jakobho akapepuka pahope dzake, akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva.” Akatya akati, “Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga.” Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akarimisa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro; akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
Verenga chikamu Genesi 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 28:16-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo