Zvino Jakobho akabuda paBheerishebha, akaenda Harani, akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo. Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro. Akaona Jehovha amire naye, akati, “Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako; vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako. Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.”
Verenga chikamu Genesi 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 28:10-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo