Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 10:1-32

Genesi 10:1-32 SNA2002

Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji. Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi. Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima. Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKitimi, naDhodhanimu. Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo. Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani. Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani. Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika. Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, “SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari. Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara, neReseni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru). Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu, navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori. Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti; navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi; navaHivhi, navaAriki, navaSini, navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzavaKenani dzakapararira. Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha. Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo. Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana. Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu. Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi. Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru. Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romun'una wake rakanga riri Jokitani. Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera; naHadhoramu, naUsari, naDhikira; naObhari, naAbhimaeri, naShebha; naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani. Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva. Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.

Verenga chikamu Genesi 10