Genesisi 10:1-32
Genesisi 10:1-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu. Vanakomana vaJafeti vanoti: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi. Vanakomana vaGomeri vanoti: Ashikenazi, Rifati naTogarima. Vanakomana vaJavhani vanoti: Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi. (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.) Vanakomana vaHamu vanoti: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani. Vanakomana vaKushi vanoti: Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhiteka. Vanakomana vaRaama vanoti: Shebha naDhedhani. Kushi akanga ari baba vaNimurodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika. Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.” Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari. Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, neKara neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru. Miziraimi akanga ari baba veava: vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi, vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafitori. Kenani akanga ari baba veava: Sidhoni dangwe rake, navaHiti, vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi, vaHivhi, vaAriki, vaSini, vaAvhadhi, vaZemari navaHamati. (Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira, uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.) Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo. Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri. Vanakomana vaShemu vaiti: Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiti: Uzi, Huri, Geteri naMesheki. Afakisadhi akanga ari baba vaShera, uye Shera ari baba vaEbheri. Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri: Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romununʼuna wake rainzi Jokitani. Jokitani akanga ari baba veava vanoti: Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera, Hadhoramu, Uzari, Dhikira, Obhari, Abhimaeri, Shebha, Ofiri, Havhira naJobhabhi. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani. (Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.) Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo. Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu.
Genesisi 10:1-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji. Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi. Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima. Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKitimi, naDhodhanimu. Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo. Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani. Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani. Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika. Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, “SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari. Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara, neReseni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru). Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu, navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori. Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti; navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi; navaHivhi, navaAriki, navaSini, navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzavaKenani dzakapararira. Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha. Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo. Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana. Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu. Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi. Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru. Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romun'una wake rakanga riri Jokitani. Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera; naHadhoramu, naUsari, naDhikira; naObhari, naAbhimaeri, naShebha; naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani. Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva. Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo. Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.
Genesisi 10:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndizvo zvizvarwa zvavana vaNowa vanoti Shemu naHamu naJafeti zvaakabereka shure kwamafashamo emvura. Jafeti akabereka vanakomana vake vanoti: Gomeri naMagogu naMadhai naJavhani naTubhari naMesheki naTirasi. Gomeri akabereka vanakomana vake vanoti: Ashikenazi naRifati naTogarima. Javhani akabereka vanakomana vake vanoti: Erisha naTarishishi naKitimu naDhodhanimu. Izvozvi ndizvo zvizvarwa zvokwaJafeti, makabva madzinza akasiyana-siyana, akazogara akatevedza mahombekombe egungwa. Vagere munyika iyi vari mudzimhuri dzavo, mumarudzi akasiyana-siyana maererano nemitauro yavo. Hamu akabereka vanakomana vake vanoti: Kushi naIjipiti naPuti naKanani. Kushi akabereka vanakomana vake vanoti: Sebha naHavhira naSabhuta naRaama naSabhuteka. Raama akabereka vanakomana vake vanoti: Shebha naDhedhani. Kushi akaberekawo mwana wake mukomana anonzi Nimurodhi. Nimurodhi ndiye akazova mambo wokutanga pasi pano. Nenyasha dzaTenzi, Nimurodhi aiva hombarume chaiyo ndosaka vanhu vakazoita tsumo inoti, “Nenyasha dzaTenzi, ihombarume chaiyo saNimurodhi.” Akatanga kutonga Bhabheri neEreki neAkadhi munyika yeShinari. Akabva kunyika iyoyo akaenda kunyika yeAsiria, ndokuvaka guta reNinevhe neRehobhoti neKara neReseni, guta guru riri pakati peNinevhe neKara. Ijipiti akabereka Rudhimu naAnamimu naRehabhimu, kwouya Nafutuhimu naPatirusimu naKasiruhimu tateguru kwakabva vaFirisitia, naKafutorimu. Kanani akabereka Sidhoni dangwe rake, naHeti ndiye tateguru wamarudzi aya anoti, vaJebhusi nevaAmori nevaGirigashi, kwoti vaHivhi nevaAriki nevaSinai kwozoti vaArivhadhi nevaZemari nevaHamati. Gare gare madzinza evaKanani akazopararira. Nyika yavaKanani yaivambira kuSidhoni zvichienda kuGerari, kundosvika kuGaza, zvoenda nokuSodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu kundogumira kuRasha. Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaHamu, namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo. Shemu mukoma waJafeti akaberekawo vana. Ndiye tateguru wemhuri yevaEbheru. Shemu akabereka vanakomana vake vanoti: Eramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu. Aramu akabereka vanakomana vake vanoti: Uzi naHuru naGeteri naMashi. Aripakishadhi akabereka Shera, aShera akabereka Ebheru. Ebheru akabereka vanakomana vake vaviri, mumwe ndiPeregi nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamuraniswa. Munun'una wake ainzi Jokitani. Jokitani akabereka Arimodhadhi naSherefu naHazarimavheti naJera, kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira naObhari naAbhimaeri naShebha kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu, vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani. Nyika yavakanga vagere yaibvira kuMesha ichinanga nokuSefari kugomo rokumabvazuva. Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaShemu namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo. Iwaya ndiwo madzinza emhuri dzavanakomana vaNowa, nezvizukuru zvavo uye nendudzi dzavo, vakazotekeshera panyika mushure mamafashamo emvura.
Genesisi 10:1-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiwo marudzi aʋanakomana ʋaNoa, naShemi, naHami, naJafeti; iʋo ʋakaɓerekerwa ʋana shure kwemvura zhinji. Ʋanakomana ʋaJafeti ndiʋo: Gomeri, naMagogi, naMadai, naJavani, naTubari, naMesheki, naTirasi. Ʋanakomana ʋaGomeri ndiʋo: Ashkenazi, naRifati, naTogarma. Ʋanakomana ʋaJavani ndiʋo: Erisha, naTarshisi, naKitimi, naDodanimi. Kwaʋari kwakabva ʋanhu ʋeɀiwi ɀakapararira. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJafeti munyika dzaʋo, mumŋe nomumŋe norurimi rwake, nemhuri dzaʋo, nendudzi dzaʋo. Ʋanakomana ʋaHami ndiʋo: Kushi, naMizraimi, naPuti, naKanani. Ʋanakomana ʋaKushi ndiʋo: Seba, naHavira, naSabta, naRaama, naSabteka; naʋanakomana ʋaRaama ndiʋo: Sheba naDedani. Kushi wakaɓereka Nimirodi, ndiye wakataŋga kuʋa nesimba panyika. Wakaŋga ari mudzimba mukuru pamberi paJehova; naiɀoɀo ʋanoti: SaNimirodi, mudzimba mukuru pamberi paJehova. Ʋushe bgake bgakataŋga paBaberi, neEreki, neAkadi, neKarine, panyika yeShinari. Akaɓuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akaʋaka Ninevi, neRohoboti‐Iri, neKara, neReseni, pakati peNinevi neKara (iri iguta guru). Mizraimi wakaɓereka ʋaRudi, naʋaAnami, naʋaRehabi, naʋaNaftuhi, naʋaPatrusi, naʋaKasruhi, (ʋaFiristia ʋakabva kwaʋari), naʋaKaftori. Kanani wakaɓereka Zidoni, ɗaŋgwe rake, naHeti; naʋaJebusi, naʋaAmori, naʋaGirgashi; naʋaHivi, naʋaArki, naʋaSini, naʋaArvadi, naʋaZemari, naʋaHamati. Shure kwaiʋaʋa mhuri dzaʋaKanani dzakapararira. Muganho waʋaKanani wakataŋga paZidoni, ukaenda Gerari, ukaȿika Gaza, ukaenda Sodoma, neGomora, neAdama, neZiboimi, ukaȿika paRasha. Ndiʋo ʋanakomana ʋaHami, mhuri dzaʋo, nendimi dzaʋo, munyika dzaʋo, nendudzi dzaʋo. Naiye Shemi, ɓaɓa ʋaʋana ʋose ʋaEberi, mukuru waJafeti, wakaɓerekerwa ʋana. Ʋanakomana ʋaShemi ndiʋo: Erami, naAsheri, naArpakshadi, naRudi, naArami. Ʋanakomana ʋaArami ndiʋo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi. Arpakshadi wakaɓereka Shera, Shera akaɓereka Eberi. Eberi akaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, zita romumŋe rakaŋga riri Peregi, nokuti pamazuʋa ake nyika yakakamurwa; zita romunuŋuna wake rakaŋga riri Joktani. Joktani wakaɓereka Armodadi, naSherefi, naHazamarveti, naJera; naHadorami, naUsari, naDikra; naObari, naAbimaeri, naSheba; naOfiri, naHavira, naJobabi; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJoktani. Kwaʋakagara ndiko: Kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuʋa. Ndiʋo ʋanakomana ʋaShemi, mhuri dzaʋo, nendimi dzaʋo, munyika dzaʋo, nendudzi dzaʋo. Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaNoa, nedzimba dzaʋo, nendudzi dzaʋo; kwaʋari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.
Genesisi 10:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)