Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya. Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.
Verenga chikamu Vagaratiya 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratiya 6:6-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo