Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 6

6
Kunyevera kwokupedzisira nokuonekana
1Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuedzwawo. 2Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo. 3Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera iye. 4Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaedze basa rake amene, ipapo angazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. 5Nokuti munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake.
6Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve. 8Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya. 9Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo. 10Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.
11Tarirai, kukura kwamabhii andinokunyorerai nawo noruoko rwangu. 12Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. 13Nokuti kunyange vakadzingiswa, havachengeti murayiro vamene; asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu. 14Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waIshe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika. 15Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva. 16Vose vanofamba nomurayiro uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, nenyasha, napamusoro pavaIsiraeri vaMwari.
17Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu anonditambudza; nokuti ndina mavanga aJesu pamuviri wangu.
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.

Zvasarudzwa nguva ino

Vagaratiya 6: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda