Tarirai, kukura kwamabhii andinokunyorerai nawo noruoko rwangu. Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu. Nokuti kunyange vakadzingiswa, havachengeti murayiro vamene; asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu. Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waIshe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika. Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva. Vose vanofamba nomurayiro uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, nenyasha, napamusoro pavaIsiraeri vaMwari. Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu anonditambudza; nokuti ndina mavanga aJesu pamuviri wangu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
Verenga chikamu Vagaratiya 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratiya 6:11-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo